Accessibility links

Chizvarwa cheZimbabwe Doctor Mucherera Chotaura nezveHupenyu Hwacho hweHufundisi muAmerica


Dr Tapiwa N.Mucherera

Doctor Tapiwa Mucherera ndimufundisi wechechi ye United Methodist muAmerica, uyezve vari murayiridzi pachikoro chekufundira hufundisi che Asbury Theological Seminary, muAmerica.

Vanoti vakauya muAmerica kumakore ekuma 1980 vachiuya kuzowedzera dzidzo zvakapa kuti vagume vaita zvidzidzo zvepamusorosoro zvePHD.​Dr Mucherera vanofarirawo kunyora mabhuku, kutaura kuno vakatonyora mabhuku matatu anoti: Glimmers of Hope mugore ra2013, Pastoral Care from a Third World Perspective nerinonzi Meet Me at the Palaver mugore ra2009. Vakanyorawo zvimwe zvikamu mune mamwe mabhuku vakabatana nevamwe vanyori nevarairidzi.​

Pari zvino vanoshandiranawo nevamwe vafundisi nezvizvarwa zveZimbabwe mumibatanidzwa yevatendi vechiKristu yakaita se Christian Fellowship International –CFI apo vanowana mukana wekushumira nerurimi rwechiShona.

Vanotiwo havana kukanganwa kumusha kwavakabva kunyange hazvo vakabva kare. Vanoti vari kubatsira vari kumusha kuburikidza nezvirongwa zvekubatsira nherera dzisina vabereki nenyaya yechirwere chemukondombera cheHIV/AIDS.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG