Accessibility links

Breaking News

Zvipingaidzo Zvomuka muChirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva


Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, hwasangana zvakare nechimwe chipingaidzo, zvichitevera danho rinonzi rakatorwa nesangano riri kupa chirongwa ichi mari.

United Nations Development Program, UNDP, inonzi iri kuti hurumende ibvisewo zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari ichashandiswa muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva.

Asi zvinonzi hurumende haina mari iyi. Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kuona nezvehurongwa uhu, VaDouglas Mwondzora, vanoti vachaita mumwe musangano mangwana wekuzeya nyaya iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reUNDP, iyo inonzi yakavimbisa kupa chirongwa ichi mari inosvika madhora mamiriyoni makumi maviri nerimwe.

XS
SM
MD
LG