Accessibility links

Breaking News

Dzidziso yeVachapinda muVanhu Inopera muHarare


Zvidzidzo zveavo vachapinda munzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika vachitora pfungwa dzevanhu dzichashandiswa pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, izvo zvakatanga muguta reHarare nemusi weMuvhuro, zvakapera neChitatu.

Zvidzidzo izvi zvakapindwa nevemasangano akazvimirira oga pamwe nenhengo dzedare reparamende. Vaita zvidzidzo izvi vanoti vachaziviswa svondo rinouya kuti vachatanga rini kupinda mumatunhu akasiyana siyana.

Asi sangano rinorwira kunyorwa patsva kwebumbiro idzva remitemo, reNational Constitutional Assembly, rinoti zvidzidzo izvi zvaitwa zvisiri pamutemo, uye veruzhinji havafanirwe kuzvitambira.

NCA inoti mapato matatu ari muhurumende ndiwo ari kutungamira kunyorwa kwebumbiro iri, izvo zvakarambwa neveruzhinji.

Va Rejoice Ngwenya inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vakapindawo muzvidzidzo izvi. VaNgwenya vanoti chinga chinhu chakanaka chose kana hurongwa uhu hukafamba nenzira kwayo.

XS
SM
MD
LG