Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Votsanangura Zviri Kuitika


Kunyange hazvo paine mashoko abuda mune mamwe mapepanhau ekuti komiti yeparamende inoona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yambomisa hurongwa hwekupinda muvanhu, mumwe wemasachigaro ari kutungamira hurongwa uhwu, VaDouglas Mwonzora, vanoti hapana chokwadi pamashoko aya.

VaMwonzora vanoti hurongwa hwanga huripo hwanga huri hwekudzidzisa vanhu vachange vachinyora zvinobva muvanhu, izvo zvinozoshandiswa mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMwonzora vati hurongwa uhu hauna kuzosimuka sezvange zvakatarisirwa neMuvhuro, sezvo vari munhaurirano vanga vakabatikana. Vari kutungamira munhaurirano dzekupedza gakava muZimbabwe vanofanirwa kunge vaine chekuita nezvehurongwa hwekudzidzisa vanhu vachange vachinyora pfungwa dzavanhu.

Komiti yeparamende inoti vanhu vachange vachipinda muvanhu vari kutarisirwa kutanga basa iri mumazuva mashoma ari kutevera.

XS
SM
MD
LG