Accessibility links

Breaking News

Vana Vobayiwa Nhomba Kuitira Kudzivirira Zvirwere


Hurongwa hwekubayisa vana nhomba mumazuva gumi ari kutevera hwaparurwa zviri pamutemo neMuvhuro muHarare. Mapostori anga achibayisawo vana vavo nhomba zvichitevera musangano wavakaita nemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, svondoi rapera.

Ukuwo vamwe vanhu vanonzi vanga vachitumira ma text message vachikurudzira vabereki kuti vasanobayisa vana vavo nekuti mishonga iri kushandiswa ingangovakuvadza.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vati mwana wese munyika ari pasi pemakore gumi nemashanu, anofanirwa kubaiwa nhomba.

Sangano reUNICEF, World Health Organisation nebazi rehutano, vakabatana muchirongwa ichi kuti vana vanosvika mamiriyoni mashanu vabaiwe nhomba mumazuva gumi ari kutevera. Izvi zvinotevera kufa kwevana vanosvika mazana mana mushure mekunge vana vanopfuura zviuru zvinomwe vabatwa negwirikwiti munyika, zvikuru munzvimbo dzinowanikwa vatenderi vechipostori vakawanda.

Muzvare Tsitsi Singizi ndivo mutauriri we UNICEF muZimbabwe. Muzvare Singizi vanoti hurongwa hwavo hwatanga zvakanaka, uye vanotarisira kuti huchafamba pamwe nekupera zvakanaka.

XS
SM
MD
LG