Accessibility links

Breaking News

Munyori Ane Mukurumbira, Chenjerai Hove, Anoshayikira kuNorway


The late Chenjerai Hove wrote several novels including Bones.
The late Chenjerai Hove wrote several novels including Bones.

Vanyori vemabhuku munyika vatanga kuungana pamba pemumwe wavo, VaChenjerai Hove, avo vakashaya neSvondo kuNorway uko vange vari muhupoteri kwemakore anodarika gumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanyori vakawanda pamwe nevakamboshanda naVaHove vanoti varasikirwa zvuru nekushaya kwavo uye vanoti zvinorwadza kuti vashaya vari kure nehama neshamwari dzavo.

Munyori werimwe remasangano anomirira vanyori munyika, reZimbabwe Writer Union, zvakare vari murairidzi pachikoro cheUniversity of Zimbabwe, VaMemory Chirere, vati VaHove vakaita basa guru pakudzidzisa vanhu kunyora munyika uye vachagara vari mupfungwa dzevazhinji nguva yese.

Vakambova sachigaro weZimbabwe Writers Union, VaDavid Mungoshi, vatiwo varwadziwa nekushaya kwaVaHove.

VaMungoshi vati chanyanya kuvarwadza ndechekuti VaHove vashaya vari kure nemusha wavo pamwe neshamwari dzavo.

Imwe shamwari yaVaHove, VaChirikure Chikure, vanoti havana kuwana mukana wekuparadzana neshamwari yavo.

VaMungoshi vati chinofadza chete inyaya yekuti VaHove vane zvimwe zvinyorwa zvavasiya zvisati zvaburitswa.

Amai Irene Staunton, avo vakamboshanda kukamabani inodhinda mabhuku yeBaobab Books, iyo yakadhinda bhuku raVaHove rinonzi Bones, vati varasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaHove.

VaHove, avo vange vave nemakore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa, vakabuda munyika muna 2001 sezvo mafungiro avo ainge asingaenderane neehuremende yaVaRobert Mugabe.

Panguva yekushaya kwavo, VaHove vange ari International Writers Project Fellow paBrown University's Watson Institute for International Studies.

VaHove vakanyora mabhuku akawanda akaita saMasimba Evanhu naBones iro rikawana mubairo weNorma Award for Publishing muna 1989.

VaHove vakapihwawo mubairo weZimbabwe Literary Award muna 1987 pamwe neGerman-Africa Award for Freedon of Expression muna 2001.

VaHove vakamboshanda semupepeti wenhau kuMoto, vakazoenda kuZimbabwe Publishing House uko vakashanda semupepeti wemabhuku. Vakazobva kuZimbabwe Publishing House vachinoita Writer in Residence paUniversity of Zimbabwe.

Vakashandawo semutori wenhau we Inter Press Services News Agency vari muHarare.

VaHove, avo vakamboita sachigaro weZimbabwe Writers Union, vasiya mudzimai nevana vatanhatu uye pane hurongwa kwekuti mutumbi wavo utakurwe kubva kuNorway kuitira kuti uzoradzikwe kumusha.

XS
SM
MD
LG