Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vofamba Vachiona Mamiriro Akaita Chikafu Munyika


Hofisi yemutungamiri wenyika, VaMorgan Tsvangirai, inoti ongororo yechikafu yayakaitwa mumatunhu ari munyika inoratidza kuti dunhu reMidlands rakatarisana nenzara inotyisa.

Mutauriri vaVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti hofisi yavo yatanga kuita hurukuro nevangabatsire nyika kuitira kuti nyika iwane chikafu.

VaMaridadi vanoti vanhu vakanonoka kuwana mbeu nefotereza, izvo zvichadzikisa goho regore rino.

XS
SM
MD
LG