Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Maviri paZuva Vachiri Kubatwa neHIV


Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vanorarama ne HI/AIDS huri kudzikira munyika, ongororo ichangobva kuitwa inoratidza kuti vanhu mazana maviri vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi mana nemapfumbamwe, vari kubatwa ne HIV zuva rega rega.

Izvi zvabuda pamusangano wemazuva maviri wekuoongora HIV/AIDS, kodzero dzevanhu pamwe nemitemo, uyo wakarongwa neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Vachitaura pamusangano uyu, vanoona nezvekufambabwiswa kwebasa muUNAIDS mu Zimbabwe, VaMichael Bartos, vanoti vazhinji vevanhu vanobatwa nehutachiwana uhu vakadzi vechidiki sezvo vachiita zvepabonde nevarume vakuru vanenge vaine HIV.

Asi mukuru weNational AIDS Council, VaTapiwa Magure, vanoti kunyange hazvo zvichiita sekunge vanhu ava vakwanda, vashoma kana zvichienzaniswa nevanhu mazana mana vaibatwa neHIV zuva rega rega mumakore maviri apfuura.

VaMagure vanoti UNAIDS ne World Health Organisation, idzo dzakaita ongororo yemuZimbabwe, dzinoongorora huwandu hwevanhu vane HIV/AIDS munyika ipi makore maviri ega ega.

VaMagure vanoti nzira dzekurwisana neHIV/AIDS dziri kushanda chose, asi vanhu vachiri kubatwa neHIV zvakanyanya, ndevaye vachiri kutemwa dzinobuda ropa.
Vanotiwo hondo huru yeZimbabwe ndeye kuti munyika musave nevanhu vanobatwa ne HIV, kufa kana kusarurwa nekuda kwekuti vane HIV/AIDS.

VaMagure vanoti kubvira pakatanga nyika chirongwa chekupa vanhu vanorarama neHIV/AIDS mapiritsi anowedzera hupenyu kana kuti Anti-Retrovairal Drugs muna 2004, pave nevanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu pari zvino vari kuwana mapiritsi aya. Vanotiwo izvi zviri kubatsira mukuderedza huwandu hwevanhu vari kufa nekuda kwechirwere ichi.

VaMagure vanoti sangano ravo riri kushandisa zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvemari yeAIDS Levy pakutenga ma ARVs uye imwe mari inobva kumasangano akaita seGlobal Fund nenyika dzekunze.

Zimbabwe ine vanhu miriyoni nemazana matatu ezviuru vanorarama neHIV/AIDS, uye vanodarika chidumbu chavo vari vanhukadzi.

Musangano uyu uchakurukurawo nyaya dzine chekuita nekusimbaradzwa kwekodzero dzevanhu vanorarama neHIV/AIDS, zvikuru mukuwanirwa mishongwa.
XS
SM
MD
LG