Accessibility links

Breaking News

Mufaro muHighlanders Zvichitevera Kutora Kwayo Mukombe


Highlanders FC.
Highlanders FC.

Highlanders iri kupemberera kutora mukombe weZimbabwe National Army Charities Shield panguva iyo chikwata chemaSables chakarakashwa ndokubuda mumukombe weAfrica Cup.

Highlanders iri kupemberera kutora mukombe weZimbabwe National Army Charities Shield panguva iyo chikwata chemaSables chakarakashwa ndokubuda mumukombe weAfrica Cup.

Highlanders yakatambura asi ikazokwanisa kukunda Harare City 4-2 nemapenerati ndokutora mukombe weZimbabwe National Army Charities Shield pamwe nemari inoita iyo madhora zviuru gumi nezviviri muBabourfields Stadium neSvondo.

Zvikwata zviviri izvi zvaive zvaita mangange 0-0 panguva yakatarwa mubati wepembe ndokuti zvikwata izvi zviende kumapenereti sezvo makundano aya asina nguva yekuwedzera kana kuti extra time.

Bosso yakakanda mugedhe ayo mapenereti mana kubva kuna Eric Mudzingwa, Prince Dube, na Simon Munawa naPeter Muduhwa asi Ronald Chitiyo na Munyarazdi Dironyenye vakabatirwa avo naProsper Matutu zvichibva zvapa Highlanders mukombe nemadhora zviuru gumi nezviviri.

Murairidzi weHighlanders, Erol Agbay, ari,kufara zvikuru nekutora mukombe uyu achiiti iye chikwata chake chaifanira kuve chisina kupinda mudambudziko rekuenda kumapenereti nematambiro avanga vachiita munharaunda yechipiri.

Asi murairidzi weHarare City, Moses Chunga, anopokana nazvo achiti iye Highlanders yakaita raki sezvo vatambi vake vakatadza kupedzisa mikana yakawandisa yavakawana munharaunda dzese mbiri.

Chitiyo anotiwo vangadai vakakunda munguva yakatarwa asi zvakaramba kuitika achiti iye ari kurwadzikana kuti ndivo vakazokundwa mumutambo wavaifanira kukunda.

Asi mutungamiri wevatambi veHighlanders, Felix Chindungwe, anoti hapana chinonzi raki munhabvu achiti iye vakatamba sechikwata kuti vakunde nekutora mukombe.

Chindungwe anoti mari inodiwa zvayo mumakundano akadai asi chakanyanyokosha imenduru yekuzorakidzai vari kukura kuti ndakambotorawo mukombe wakadai apo ndaitamba nhabvu yepamusoro

Highlanders yakatambidzwa madhora zviuru gumi nezviviri, Moses Chunga nevatambi vake vari kudzoka kuHarare vaine zviuru zvisere zvemadhona.

ZveZimbabwe National Army Charities Shield zvapera kudai, Bosso yave kuisa simba kumutambo wayo weligi ne Triangle uyo uriko neChitatu.

Bosso yave kumashure kweFC Platinum nemapoinzi matatu mushure mekunge Kugona Kunenge Kudada yakarova Chicken Inn 1-0 mumutambo wavo waive wakasaririrawo kubva kunharaunda yemwaka yenhabvu yekutanga.

Ukuwo chikwata cheZimbabwe che rugby chakanyadzisa zvikuru mukupera kwesvondo apo chakarohwa zvekare ikozvino nechikwata chisina mukurumbira cheUganda 27-34 ndokubuda mumakwikwi e 2016 Africa Cup.

Hapana aitarisira kuti chikwata ichi chingarohwe nemaCranes asi maSables akadamburwa ndokukoromoka kubva muAfrica Cup Division 1A kusvika kuDivision 1B uko kune zvikwata zvisina mutsindo.

Pamusoro pezvo, maSables abuda mukukwikwidza mumakwikwi e2019 World Cup ayo achatanga gore rinouya sezvo zvikwata zvinenge zviri muAfrica Cup Division 1A chete zviri izvo zvinokwikwidza mumakundano epasi rose aya.

Aka ndiko kekutanga mumakore makumi matatu nemanhatu kuti maSables haasi kukwikwidza mumakwikwi eWorld Cup mushure mekumboririra Africa kuma fainari eWorld Cup muna 1987 na 1991.

Asi vanongoorora zvemitambo vari kuti dambudziko riri kusangana nechikwata chemaSables harina kusiyana neiro riri mumaChevrons, rekuda kungotambisa vatambi vakwegura vasisina chavachabura.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG