Accessibility links

Breaking News

Henrietta Rushwaya Anosungirwa Nyaya yeKutengesa Mitambo yeNhabvu


Vaimbove Chief Executive veZIFA, Muzvare Henrietta Rushwaya, vanonzi vasungwa nemapurisa neChina masikati vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori pakutengeswa kwemitambo yenhabvu pavaienda nechikwata chenyika kunyika dzeku Asia.

Izvi zvinonzi zvakaitika kubva muna 2007 kusvika muna 2009. Muzvare Rushwaya vanonzi vayiendesa chikwata che Zimbabwe Warriors kumitambo yaibhejerwa kunyika dzeku Asia sezvinoitwa mabhiza. Muzvare Rushwaya vanonzi vaiita izvi, zvekuenda nechikwata chenyika, vasina kupihwa mvumo neZIFA kanawo neSports and Recreation Commission.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti Muzvare Rushwaya vakachengetedzwa nemapurisa pa Avondale Police Station muHarare.

Vakuru vakuru muZIFA havasi kuda kutaura zvizhinji pamusoro pekusungwa kwaMuzvare Rushwaya, avo vakadzingwa musangano renhabvu iri gore rapera mushure mekupomerwa mhosva dzekubhejesa mitambo yema Warriors.

ZIFA pachayo inoti vatambi makumi masere vakawanikwa vaine chekuita nekutengeswa kwemitambo iyi, havasi kuzomirira nyika.

Murume wekuSingapore aitungamira kubhejwa kwemitambo iyi, Wilson Raj Perumal, ari mujeri kuFinaland mushure mekuwanikwa aine mhosva yekutengesa mitambo munyika iyi.

XS
SM
MD
LG