Accessibility links

Breaking News

VaParirenyatwa Vovimbisa Kurwa seMvumba Mukugadzirisa Zvinetswa Munyaya dzeHutano


Gurukota rezveutano, Va David Parirenyatwa, vanoti vakagadzirira zvikuru kuvandudza zvinhu munyaya dzezveutano.

VaParirenyatwa, avo vanova chiremba pachavo, vanoti basa guru ravakatarisana navo nderekutsvaga mari yekuwedzera vashandi vemuzvipatara, pamwe nekugadzirisa michina inorapa vanhu.

VaParirenyatwa vanotiwo vashandi vemuzvipatara vanofanirwa kuwedzerwa mari dzavanotambira kuitira kuti vaite basa ravo vachifara.

VaParirenyatwa vanoti rimwe basa guru ravakatarisana naro ndere kurwisana nechirwere chegomarara remuchibereko, kuitira kuti vanhu vakawanda vasatarisane nedambudziko iri.

VaParirenyatwa vanoti vachaenderera mberi nehondo yekudzikisa kufa kwevana vari pasi pemakore mashanu pamwe nemadzimai akazvitakura.

Vanotiwo vachabvisa mari dzemibhadharo dzinodiwa muzvipatara kuitira kuti veruzhinji varerukirwe. Vanoti izvi zviri pasi pechirongwa cheHealth Transition Fund, icho chiri kupihwa mari ne European Union, homwe yacho iine sangano reUnited Nations Children’s Fund. VaParirenyatwa vanoti bazi ravo richaonawo zvekare kuti vakwegura varapwa pachena.

Va Parirenyatwa vanotenda zvikuru hurumende yemubatanidzwa iyo vanoti yakashanda zvikuru mukusimudzira nyika munyaya dzezveutano, uho hwakanga hwaenda kumawere muna 2009.

VaHenry Madzorera veMDC-T ndivo vanga vari gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa.

VaParirenyatwa pavakasiya basa segurukota rezveutano muna kukadzi 2009, zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehutano nepamusana pekuipa kwakanga kwaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi, izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, zvakanga zvakonzerwa nekutadza kutonga kwe Zanu PF.

Asi Zanu PF inoti izvi zvakakonzerwa nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dzakamirira kuona zvichaitwa naVa Parirenyatwa mukugadzirisa zvinhu mubazi ravo, pakatariswa zvisungo zve Zanu PF mukufambiswa kwemabasa ehurumende yebato iri, izvo zvisinganyatsotambirwa nenyika dzekumadokera.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG