Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votadza Kurapwa Asi Vakabhadharira Mari dzeKurapwa


Des patients sur leur lit à l'hôpital de référence de Minova, Nord-Kivu, RDC, le 13 février 2018. (VOA/Charly Kasereka)
Des patients sur leur lit à l'hôpital de référence de Minova, Nord-Kivu, RDC, le 13 février 2018. (VOA/Charly Kasereka)

Sangano reZimbabwe Medical Association rinoti harisi kufara kuti makambani anobhadharwa nevarwere kuti agozovabhadharira mabhiri kana vachinge varwara, haasi kuvabhadhara zvinonzi nesangano iri zvave kukonzera kuti vanachiremba vazhinji vatadze kuita basa ravo zvakanaka.

Sangano reZimbabwe Medical Association, kana kuti Zima, rinoti makambani aya ane zvikwereti zvakawanda uye ave nenguva yakareba asiri kubhadhara vana chiremba kana vachinge varapa varwere vanenge vari pachirongwa chekubhadharirwa nemakambani aya kana kuti medical aid.

Munyori mukuru muZima. VaSacrifice Chirisa, vaudza vatori venhau kuti pamakambani ese aya, kambani yePublic Service Medical Aid Society, kana kuti PSMAS, ndiyo ine chikwereti chakakurisa chemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora ekuAmerica kana mari yakaringana nemari iyi iri yema RTGS pachishandiswa huremu huri kushandiswa mumabhanga kana kuti interbank rate.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru-mukuru wePSMAS, Farai Muchena, sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwe uye vekuhofisi kwavo vanga vachiti havamo muhofisi pasvika Studio7 pamahofisi ePSMAS.

VaChirisa vati izvi zvave kupa kuti mamwe madhokotera atadze kuita basa rawo zvakanaka.

Tsvagiridzo yaitwa neStudio7 yaratidza kuti vamwe vana chiremba vave kuramba kutambira ma medical aid vachida kubhadharwa nemusvo kana mari dzepamafoni.

Zvataurwa naVaChirisa zvatsinhirwa nemumwe dhokotera, VaShingirirai Meki, avo vati vanachiremba vazhinji vave kunhonga svosve nemuromo sezvo vachiti mari yavari kutambiriswawo nehurumende yakafanana nemutero wembwa.

Zvichakadai, gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo vaudza Studio 7 parunhare kuti vachaongorora nyaya iyi vozoona sehurumende kuti nyaya iyi ingagdziriswe sei.

VaChirisa vati makambani aya haasi kubhadhara nenguva uye vati paanozobhadhara ari kubhadhara mari isina kukwana zvavati zvinotyora mutemo weHealth Services Act.

Zima yaratidzawo kushushikana zvikuru nevakuru vemakambani aya avo vainoti vari kurarama hupenyu hwepamusoro-soro vasingabhadhare mabhiri evarwere zvavati zvave kutoda kuti komisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc, iferefete makambani aya.

Vaimbove mukuru wePremier Service Medical Aid, VaCuthbert Dube, vakaferefetwa neZaac yaivepo muna 2014 mushure mekupomerwa mhosva yekushandisa mari zvisiri pamwero, asi vakawanikwa vasina mhosva.

VaDube, avo vakanga vari mukuru wekambani iyi kubva muna 1992 kusvika muna 2014, vaitambiriswa mari inodarika mazana maviri nemakumi matatu ezviuru zvemadhora ekuAmerica pamwedzi, vachiisa muhomwe mamiriyoni matanhatu nemazana mazana ezviuru zvemadhora pagore.

VaDube vaipomerwawo kuzvipa mari yechikwete inosvika mazana masere ezviuru zvemadhora, pamwe nekushandisa mari yekambani iyi apo vaiita basa reZifa pavaive mutungamiri wesangano renhabvu iri.

Asi Zaac yakati pakanga pasina humbowo hwakati tsvikiti hwairoverera VaDube nemhosva.

Zima yakurudzirawo hurumende kuti ikurumidze kupasisa bhiri Medical Aid Societies Bill iro rinobata mashandiro emakambani aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG