Accessibility links

Breaking News

Muzarabani Inonzi Ine Vanhu Vanoshungurudzwa Kupfuura Mamwe Matunhu


Sithabile Dewa weSangano reHeal Zimbabwe Trust
Sithabile Dewa weSangano reHeal Zimbabwe Trust

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHeal Zimbabwe rinoti naya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzakakwira zvakanyanya mumatunhu gumi nemana munyika, kunyanya kuMuzarabani mumwedzi miviri yapfuura.

Nyaya idzi dzinosanganisa kurohwa, kutyisidzirwa kwevanhu uye kunyimwa mbeu nechikafu.Vamwe vanhu vanotiwo vari kumanikidzwa kunopinda misangano yeZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo sezvo nyika yatarisana nesarudzo, nyaya dzakadai dzave kuwedzera zvakanyanya.

Muzvare Sithabile Dehwa, uyo anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reHeal Zimbabwe, anoti sangano ravo ririkuona kuti nzvimbo dzirikunyanya kunetsekana nekushungurudzwa kwevanhu inzvimbo uko Zanu-PF irikugadzirisa vatungamiri ematunhu eboka ravo uye kumatunhu arikuitwa misangano yevechidiki veZanu-PF.

“Mukatarisa munoona kuti vanhu vakashungurudzwa zvikuru nenyaya dzemisangano yakaitwa kuChinhoyi, Masvingo, Mutare neGwanda. Isu seHeal Zimbabwe tinongokurudzira mapato ezvematongerwo enyika, zvikurusei veZanu-PF, kuti vazive kodzero dzevanhu, kuti vazive kuti umwe noumwe ane mvumo yokutsigira boka raanoda uye kuti vasatyisidzira kana kurova vanhu vachivamanikidza kuenda kumisangano yezvamatongerwo enyika yavasingade.”

Muzvare Dehwa anoti bumbiro remitemo rino rambidza kumanikidza, kumbunyikidza vanhu kana kuvanyima chikafu nokuti vanenge vasarudza kutsigira bato ravanoda.

“Tine zvirongwa zvakasiyana siyana zvatiri kuita kutarisa vari kunyanya kupara mhosva idzi. Tichivaendera munzvimbo dzavanogara tichitaura navo kuti vaone kuipa kuno konzereswa nenyaya dze mhirizhonga.”

Vakatizve vanoshandawo neboka rezvekodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Commission kuti ritaurewo navo zvinenge zvichinetsa mukushungurudzwa kwevanhu.

Muzvare Dehwa vanoti sangano ravo rino kuridzira vanhu kuti kana vatyorerwa kodzero dzavo vaende kuno mhan'ara kumapurisa.

“Isu tinoda kuedza kutaura nemunhu wacho anenge achikanganisa kuti aone kuipa kwekupara mhosva ine chekuita nezve matongerwo enyika.

Hurukuro naMuzvare Sithabile Dewa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG