Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoburana neVagari Zvichitevera Kuvharwa kweMvura


Kanzuru yeguta reHarare yazivisa kuti ichavhara mukupera kwesvondo michina yekupomba mvura kumuzinda weMorton Jeffery kuNorton, sezvo michina iyi ichange ichigadziriswa.

Kanzuru inoti basa iri richatora mazuva maviri zvichireva kuti rinopera nemusi weSvondo mukupera kwezuva.

Muzinda weMorton Jeffery ndiwo unopombwa mvura inoshandiswa muguta re Harare nedzimwe nzvimbo dze Chitungwiza.

Aka hakazi kekutanga kanzuru ichichara michina iyi ichiti iri kugadzirisa michina.

Mutauriuriri we kanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vanonzwisisa kuti kune zvirwere munyikia zvinogona kukonzerwa nekushaikwa kwemvura , asi vaona pasina imwe nzira yekuti vagadzirise matambudziko aripo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vagari vemuHarare vanoti havana kuudzwa paine nguva uye nenzira dzakanaka nezvechirongwa chekuvharwa kwemichina yemvura.

Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vagari vari kushora zvikuru maitiro ekanzuru yavo, iyo inoratidza kuti haina hany'a nevagari.

Vatiwo kanzuru yaikwanisa kunge yakaita basa rekugadzira michina iyi pakati pesvondo, vachiti nyaya yehuori mukanzuru ndiyo inopa kuti iite zvinhu zvisina kunyatsorongeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG