Accessibility links

Breaking News

Vagari Voramba Kuvhotera Makanzura Ane Huwori muKanzuru yeHarare


Vagari vemuHarare vanoti havasi kufara nemashandiro emakanzura emuguta uye vanoda kuti mapato ezvematongerwo enyika adome vanhu vane ruzivo nerudo rwekushandira vanhu kuti ave makanzura musarudzo dzinotevera.

Vagari ava vataura mashoko aya pamusangano wange wakarongwa nesangano reHarare Residents Trust wekuzeya mashandiro akaita makanzura aripo kubvira paakasarudzwa muna 2008.

Vagari ava vanoti makanzura mazhinji haana kushanda sezvaitarisirwa uye vazhinji vavo havafaniri kudzorerwa pazvigaro musarudzo dzinotevera.

VaGarikai Mabheka vekuKuwadzana Extention vanoti havana mufaro nemashandiro emakanzura mazhinji aripo uye vanoda kuti pavhoterwe makanzura matsva asingaite zvehuwori.

Izvi zvinotsigirwawo naAmai Slyvia Khasikoro vekuMabvuku vanotiwo vanoda kuti pasarudzwe makanzura matsva.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti makanzura mazhinji ange asingazive basa ravo ndosaka aitadza kushanda nemazvo.

VaShumba vanoti sangano ravo richaita misangano nemapato ezvematongerwo enyika zvikuru sei reMDC-T iro rine makanzura muHarare richitaura kuti risadzose makanzura asina kushanda zvakanaka pamwe neayo ari kupomerwa nyaya dzehuwori.

Hatina kukwanisa kutaura nevanokokera makanzura eMDC-T muHarare, VaVictor Chifodya, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Bato reMDC-T rakatomisa basa makanzura akawanda kusanganisira mutevedzeri wameya, VaEmmanuel Chiroto nenyaya dzehuwori.

Gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vakamisawo kana kudzinga basa mamwe makanzura nenyaya dzehuwori kana kusaita basa zvakanaka.

Pari zvino mapato ezvematongerwo enyika ari mushishi rekusarudza vanhu vachaamiririra musarudzo dzichaitwa munguva pfupi inotevera.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG