Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekuTynwald South Vopomora Kanzura Wavo Mhosva yeHuwori


Harare Residents Trust, rimwe sangano rinomiririra vagari vemuHarare, rinoti vamwe vanhu vekuTynwald South havasi kufara nenyaya yekutengeserwa kwakaitwa vamwe vemabhizimisi nzvimbo yainge yakatarwa kuti ivakwe chikoro.

Vagari ava vanoti kanzura wavo, va Girisoti Mandere, nemumiriri wavo kuparamende, amai Betty Kaseke, nevamwe vashandi veguta reHarare ndivo vevamwe vakabatsira kutengesa nzvimbo iyi vachiita zvehuwori.

VaPrecious Shumba, avo vanotungamira Harare Residents Trust, vanoti chirikudiwa nevanhu itsananguro yekuti zvinhu zvakafambiswa sei uye chinyi chirikuitwa kuti nzvimbo dzakatengeswa idzi dzidzoserwe kuvanhu.

“MaCouncilors vane basa rekumiririra vanhu vakavasarudza. Councilor Mandere ndivo councilor we Ward 45 umo mune Tynwald South isina chikoro chingabatsira vagari vaimomo kuti vana vavo vaende kuchikoro.”

VaShumba vakaenda mberi vachiti, “Mutemo wehurumende unoti munzvimbo dzese dzinogara vanhu, munofanira kuwanikwa nzvimbo dzokudzidzira mukati mema kilometer mashanu.

Zvino kana tichitarisa danho re City Of Harare kuti inotora nzvimbo yayakange yati ndeyechikoro ichipa kune vamwe vanhu pasina kushambadzwa kwaitwa kuti pavekuchinjwa mashandisiro enzvimbo idzi, izvi zvinopinza councilor mukati nokuti ndiye anomiririra vanhu mudunhu iri.”

VaShumba vakati havasikuona kuti kanzura akataura nyaya iyi sei kuma komiti ekanzuru inoona nezverudzidzo nokuti vanhu vakatora nzvimbo iyi havazaikwanisa vasina tsamba inobva kuna kanzura.

HURUKURO NAVA PRECIOUS SHUMBA
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vaGirisoti Mandere, kanzura weWard 45 kuKuwadzana Phase 3, vanoti zviri kutaurwa navaShumba ndezvemugotsi matsuro.

Vanoti ivo sa kanzura wenzvimbo iyi vanoti nyaya iyi haina chokwadi nokuti hapana wavakapa nzvimbo inotaurwa iyi uye zvese zvakaitwa pachena.

“Vanhu ve Harare Residents Trust havana kumbotaura neni pamusoro penyaya iyi. Ndirikutotanga kuzvinzwa izvozvi.”

VaMandere vakapamidzazve vachiti hapana akambobatsira vanhu kuti vatenge kana kutora nzvimbo inotaurwa iyi.

HURUKURO NAVA GIRISOTI MANDERE
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG