Accessibility links

Breaking News

Harare Inocherechedza World Environment Day Ichikurudzira Vagari Kushandisa Marara Zvine Pundutso


Azərbaycan ədibləri
Azərbaycan ədibləri

Kanzuru yeHarare ichishanda nesangano reEnvironment Africa, ichagadzira nzvimbo dzekugadzira marara muguta nechinangwa chekuti marara anokwanisa kushandiswa zvakare akaita semabhodhoro nemapepa, apatsanurwe kubva kune mamwe marara achiendeswa kune avo vanoda kuashandisa senzira yekuti guta rigare rakachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya ataurwa neChitatu nasachigaro wekomiti yekanzuru inoona nezvezviwanikwa, VaChris Mbanga, pamhemberero dzekucherechedza zuva rezvikwanikwa nezvakatikomberedza pasi rese, reWorld Environment Day muHarare.

VaMbanga vati marara akawanda ari kuraswa anokwanisa kushandiswa kugadzirisa zvimwe zvhinhu uye zvakakosha kuti marara aya apatsanurwe kuti ashandiswe senzira yekuchengetedza zviwanikwa

Vati izvi zvichaitwa panzvimbo dzichange dzichinzi pachirungu ma sorting centers. Vanhu vanotarisirwa kunge vachienda nemarara kunzvimbo idzi uko anosarudzwa kuti mabhodhoro pawo, mapepa pawo pamwe nezvimwe zvakadaro.

Kana izvi zvichinge zvaitika vaye vanoda kushandisa marara aya vanobva vauuya kuzomatora panzvimbo idzi.

VaMbanga vakurudzirawo makambani anogadzira zvinwiwa kuti ashande nevagari mukuona kuti guta ragara rachena.

Mutauriri weEnvironment Africa, Amai Sandra Gobva, vati chirongwa chavari kuita nekanzuru chakanangana nekuti vanhu vazive kuti mumarara mune mari.

Amai Gobvu vanoti chirongwa ichi chri kufamba zvakanaka mumisha yeGreendale neAvondale uye vanoti marara achange ave kuwanikwa achawanda chose kana vakange vaumba masorting centres mumisha yese muguta.

Vanoti vanotarisira kuti makambani anoshandisa marara aya achnage ave kutenga marara aya munguva pfupi inotevera.

Kanzuru yeguta reHarare inoti iri kutora matanho akawanda ekuchenesa guta.

Pari zvino kanzuru yave kuti chikamu gumi kubva muzana chemari yemitero yese inowanikwa mumusha wega wega yave kuenda mubasa rekutakura marara.

Kunze kwaizvozvo kanzuru ine chirongwa che Catch Them Young apo iri kudzidzisa vana vari muzvikoro zvayo zve primary zvakanakira kurasa marara mumabhini, kugara nzvimbo dzavanogara dzakachena pamwe nekuchengetedza mvura.

Kanzuru yakatangawo chirongwa chekudzidzisa vanhu kuti varase marara munzvimbo dzakakodzera.

Amai Winnet Majurira ndemumwe weavo vakazvipira mukufamba vachiongorora kuti vanhu havasai kurasa marara pese pese.

Mhemberero dzanhasi dzarongwa nekanzuru ichishanda neEnvironment Africa, Africa Lotto, Environmental Management Agency, Mukuvisi Woodlands pamwe neZimparks.

Zuva re World Environment Day rinocherechedzwa musi wa 5 Chikumi pasi rese senzira yekukurudzira kuti vanhu vachengetedza zviwanikwa zvavo.

Gore rino zuva iri rakachacherchedzwa pasi pedingindira rinoti Seven Billion Dreams. One Planet. Consume With Care.

XS
SM
MD
LG