Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotatsurana neCaps United kuNational Sports Stadium neSvondo


စစ္ကိုင္းတိုင္းေဒသႀကီး စစ္ကိုင္းၿမိဳ႕မွာ ကုန္တင္ယာဥ္ေမာင္း ယာဥ္ေနာက္လိုက္ေတြကို COVID -19 ေရာဂါပိုး ရွိမရွိ စစ္ေဆးေပးေနတဲ့ ျမင္ကြင္း။ (ေအာက္တိုဘာ ၀၆၊ ၂၀၂၀)
စစ္ကိုင္းတိုင္းေဒသႀကီး စစ္ကိုင္းၿမိဳ႕မွာ ကုန္တင္ယာဥ္ေမာင္း ယာဥ္ေနာက္လိုက္ေတြကို COVID -19 ေရာဂါပိုး ရွိမရွိ စစ္ေဆးေပးေနတဲ့ ျမင္ကြင္း။ (ေအာက္တိုဘာ ၀၆၊ ၂၀၂၀)

Nzira dzese dzichange dzakananga kuNational Sports Stadium nemusi weSvondo uke kunenge kuine machikichori emutambo wenhabvu. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotiurira kuti kuchange kunei.

Nhandare iyi ichange ichitamba ngoma yemutambo mukuru uyo unodaidzwa kunzi Harare Derby pakati pezvikwata zvikuru munyika cheCaps United neDynamos uyo wanga wakamirirwa nevatsigiri vemutambo uyu kwemwedzi yakawanda.

Kunyange hazvo vari pamusha mumutambo uyu veCaps United vakwidza mari yepagedhe kusvika pamadhora mashanu panzvimbo dzinogara veruzhinji, chokwadi ndechekuti nhandare iyi ichatakura chaunga sezvo zvikwata izvi zviri kubaka moto unotyisa.

Zvikwata izvi zvaifanira kuve zvakasangana kare kare asi izvi hazvina kukwanisika sezvo pakasvika zuva remutambo, Makepekepe aive nemumwe mutambo wemakwikwi eCaf Champions League.

Mutevedzeri wemurairidzi weCaps United Fungai Kwashi anoti ari kutarisira nhabvu yemhando yepamusoro achiwedzera iye kuti vatsigiri vemutambo uyu vanofanira kuuya kuzofara kwete kuzoita mhirizhonga.

Zvikwata zviviri izvi hazvisati zvakundwa pamitambo mitanhatu ichangobva mukutambwa asi vaongorori vemutambo wenhabvu uyu vanoti vachitarisa matambiro azvirikuita Dynamos irikuratidza kuti iri pamberi zvishoma.

Mumwe muteveri mukuru wemaGreen Machine vaTudmund Goredema varikutya kusangana neDynamos panguva ino.

Dembare yave pachinhanho chechitatu, mapoinzi matatu chete pasi pechikwata chirikutungamira makwikwi aya cheChicken Inn asi Dynamos ine mitambo miviri yavasati vatamba, iyo vakakunda, vanoenda pamusoro petafura.

Makepekepewo zvekare atora mapoinzi gumi nemana kubva pamapoinzi gumi nemasere mushure mekukunda mumitambo mina nekuita mangange mumiviri, pamitambo mitanhatu yakateverana yavatamba.

Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa ari kubvuma kuti maGreen Machine ari kutamba zvinodakadza achikurudzira vattsigiri vechikwata chake kuti vauye vakawanda kuzobatsira Dembare kuti ikunde.

Zvikwata izvi zvasangana kaviri gore rino mumitambo yemikombe, Caps ichikunda mumakundano eZimbabwe National Army Charity Shield, Dembare ichirovawo Makepekepe muIndependence Trophy.

Uyezve pakapedzisira kusangana zvikwata izvi, mutambo uyu wakaita mangange 3-3, apo Caps United yakakanda zvibodzwa zvitatu kwasara maminitsi gumi nemashanu Dynamos iripamberi 3-0.

Asi maGreen Machine ari kupinda munhandare iyi vasiri zvavanga vakaita pakatanga mitambo mushure mekunge Abbas Amidu atengwa nechikwata chekuTunisia mwedzi wapera, panguva iyo Ronald Pfumbidzai akaenda kunotambira kuSouth Africa.

Pamusoron pezvo, Dominic Chungwa uyo anga achikanda zvibodzwa paanodira haasi kutamba mumutambo uyu sezvo ambomiswa nevePremier Soccer League nemhaka yekuwana mayellow makadhi matatu.

Asi Dynamos haina zvichemo zvakadai, zvekuti Mutasa arikukanda chikwata chake chakasimbisisa kusanganisa Ocean Mushure uyo amuka chibhebhenenga naChristian Epoupa wekuCameroon uyo ari kurova mambure zvinodakadza.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi.

Mugovera

Bulawayo City v ZPC Kariba - Hatsfield

How Mine v Chicken Inn - Hatsfield

Yadah v Bantu Rovers - National Sports Stadium.

Harare City v Tsholotsho - Rufaro (1pm)

Black Rhinos v Triangle - Rufaro (3pm)

Svondo

Highlanders v Chapungu - Hatsfield

Hwange v FC Platinum - Colliery

Shabanie Mine v Ngezi Platinum Stars - Maglas

Nhandare yeBarbourfields Stadium haisi kushandiswa parizvino sezvo irikugadzirisirwa makundano eCosafa Women’s Championships ayo arikutanga svondo rinouya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG