Accessibility links

Breaking News

Harare Yoronga Bhajeti re$320m Gore Rinouya


Vagari vemuHarare Vane Zvichemo Zvavanoda Kuti Kanzuru Igadzirise.
Vagari vemuHarare Vane Zvichemo Zvavanoda Kuti Kanzuru Igadzirise.

Kanzuru yeHarare iri kuronga kubvisa mari yemvura inobhadharwa nemunhu wese kana kuti fixed water charges pamwe nekubvisa muripo wezvikwetereti muhurongwa hwayo hwebhajeti regore rinouya.

Vachizisa bhajeti regore rinouya neChitatu manheru, sachigaro wekomiti yezvemari mukanzuru yeHarare, VaLuckson Mukunguma, vakati mari iyi ichabviswa kubva mumisha yese uye mari yemvura inosungirwa kubviswa mwedzi wega wega, ichaderedzwa mumakambani.

Vakatiwo zvimwe zvavari kuronga mubhajeti ravo re$320 million ndezve kuderedza mitero yemabizimisi nemaindasitiri, kuderedza mari yemarezenisi emabhizimisi, kuderedza mari dzinobhadharwa nevemakombi pamwe nekuderedza mitero yepamisika yekanzuru.

Vakatiwo mari dzinobvisa muzvipatara nemakirinika ekanzuru hadzisi kuzokwidzwa gore rinouuya.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yakaterera zvichemo zveveruzhinji mukuronga bhajeti iri uye vanofunga kuti richagadzirisa matambudziko akatarisana nevagari veguta.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, VaPrecious Shumba, vanoti vanofara chose kuti rwendo runo kanzuru yaterera zvichemo zvevagari uye zvingafadze chose kana hurumende ikatambira bhajeti iri.

Vatiwo vanofunga kuti kanzuru iyi haisi kuita izvi kuda kufadza vanhu sezvo gore rinouya kuine sarudzo, uyewo vati bhajeti iri rinogona kurambwa nehurumende kana gurukota rezvemadhorobha nematunhu, VaSaviour Kasukuwere vebato reZanu PF, vakaona sekuti makanzura eMDC-T ayo anotonga muHarare ari kuda kuita zvekutsvaga rutsigiro.

Asi VaHardlife Mudzingwa, veCommunity Water Alliance, vatiwo pane zvimwe zvisiri kufadza mubhajeti reHarare.

Vati hazvifadzi kuti kanzuru iri kuronga kukwidza mutengo wemvura mumisha yese muguta 25 cents pa10 cubic meters kusvika pa 70 cents pacubic meters mumisha inogara veruzhinji kozotiwo kubva pa 40 cents kusvika pa70 cents mumisha inogara vashoma.

Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vachatura bhajeti ravo zviri pamutemo kuna VaKasukuwere, avo vachatambira kana kusatambira bhajeti iri.

Zvichakadai, kanzuru yeHarare yatanga chironga chekusangana nevanotengesa mumigwagwa nevevamabhizimisi nechinangwa chekutsvaga nzira dzekupedza dambudziko renyonga nyonga iri ratekeshera neguta.

Vachitaura pamusangano waitwa pamuzinda wekanzuru neChina, vakasanobata chinzvimbo chemunyori wekanzuru, Amai Josephine Ncube, vati hazvigoni kuti vanhu vaite madiro aJojina muguta nekutengesera pese vachiti mitemo inofanira kutevedzwa uyewo vanhu havafaniri kuvhara migwagwa pamwe nekutengesera pamberi pezvitoro kana mabhizimisi evamwe.

Asi vanotengesera mumigwagwa vaudza kanzuru kuti mitengo yavanobhadhariswa yakawanda chose uyewo kanzuru inongoita zvinhu zvayo isina kunzwa pfungwa dzavo.

Vatiwo hapana nzvimbo dzekutengesera dzinokwana munhu wese uye dziripo dzacho hadzina zvikwanisiro zvakaita sezvimbuzi.

Amai Ncube vati kanzuru yavo ichishanda nehurumende kutarisa zvichemo zvavo asi pari zvino chirongwa chekubvisa vanotengesera pasingabvumidzwe chichaenderera mberi.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG