Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yocherechedza Zuva reKuwanira Vanhu Nzvimbo Dzekugara Dzakanaka


Sangano reAmnesty International racherechedza neMuvhuro zuva rekugara zvakanaka kwevanhu pasi rose, reWorld Habitat Day richikurudzira hurumende kuti ipe vanhu pekugara pamwe nekuvawanisa mvura, migwagwa nezvimwe zvinoita kuti vararame zvakanaka.

Vachitaura pamhemberero dzange dzakarongwa nesangano iri mumusha weHatcliffe Extension, muHarare, mukuru weAmnesty International Zimbabwe, VaCousin Zilala, vanoti hurumende inofanira kuona kuti misha yakaita se Hatcliffe Extenstion, Hopley neCalidonia yawanirwa mvura, yagadzirirwa migwagwa, kuvakirwa zvikoro nedzimba kuitira kuti vanhu vagare zvakanaka munzvimbo idzi.

VaZilala vanoti hurumende haina kuzokwanisa kuvakira vanhu ava vese dzimba pasi peOperation Garikai.

Vanotiwo nekuda kwaizvozvo, vanhu havasi kugara zvakanaka mumisha yakaita seHatcliffe Extenstion sezvo musina zvese zvinodiwa kuti vanhu vagare zvakanaka.

VaZalala vanotiwo zvakakosha kuti hurumende ivimbise vanhu ava kuti havachabviswa pavagere vachiti vazhinji vevanhu vari kugara kumisha yakaita seHatcleffe Extension, Hopley neCaledonia, vane nhoroondo yekugara vakadzingwa munzvimbo dzavaimbogara.

Mukuru uyu anotiwo hurumende inofanirawo kutevedzera mutemo wayo wekuona kuti munhu wese ave nepekugara pakanaka kana kuti National Housing Policy.

Mumwe mugari wemuHatcliffe Extention, VaFlint Matewu, vanoti zuva ranhasi rinovapa mukana wekuti vataure zvichemo zvavo maererano nemagariro avo.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Muzvare Vimbai Matope, vanoti havasi kugara zvakanaka kuHatcliffe Extension uye dambudziko guru ravakatarisana naro nderekushaikwa kwemvura, magetsi, mvura nemigwagwa.

Hurumende yakaparadza misha yevanhu vanodarika mazana manomwe ezviuru munzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose muna 2005 pasi pechirongwa cheOperation Murambatsvina.

Izvi zvakaita kuti chirongwa ichi chibatewo vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana mana ezviuru muyika yose.

Vana vanodarika mazana maviri ezviuru vakasiyiwa vasina zvikoro zvekudzidza zvichetevera kuparadzwa kwakaitwa zvivakwa nedzimba dzavaigara.

Zimbabwe yacherechedza zuva reWorld Habitat Day pasi pedingindira rinoti Housing Is a Human Right.

Izvi zvaitwa makore masere mushure mekunge hurumende yavamba chirongwa che Operation Garikayi, icho chaive chakanangana nekuvakira vanhu dzimba vanosvika miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru pagore rega rega.

Asi chirongwa ichi hachina zvakawanda zvachakaita, zvichitevera kuondomoka kwakaita hupfumi hwenyika zvakaipisisa pakati pa 2006 na 2008.

Bazi re Zimbabwe National Statistics Agency rakaburitsa gwaro gore rapera rinoratidza kuti Zimbabwe ine vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru vakanyorera zviri pamutemo kuti vawane dzimba.

Bazi iri rinotiwo panodiwa mari inoita zana nemakumi masere emamiriyoni emadhora yekushandisa pagore rega rega mukuvakira vanhu dzimba kusvika mugore ra 2015.

United Nations yakatara kuti zuva reWorld Habitat Day richerechedzwe pasi rese Muvhuro wekutanga muna Gumiguru gore rega rega
XS
SM
MD
LG