Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMaindasitiri Rinoti Vatori Venhau Ndivo Vari Kukuchudzira Nyaya yeNestle


Gurukota rezvemaIndasitiri, VaWelshman Ncube vashoropodza zvikuru vatori venhau vachiti ndivo vakonzera kuti Nestle Zimbabwe imbomisa basa rayo muZimbabwe.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaNcube, asi bepanhau reHerald rinoti vakati vatori venhau vanobva kunyika dzakaita seSouth Africa, Britain neAmerica, ndivo vakatyisidzira Nestle vachiti vanhu varege kutenga zvainogadzira kana ikaramba ichitenga mukaka kubva kuGushungo Dairy Estates, purazi remudzimai vemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Nestle yakamisa basa rayo svondo rapera ichiti vashandi vayo vainge voshungurudzwa nenhengo dzeZANU-PF, asi hurumende yakati kambani iyi yakanga yabvuma kuvhura zvakare mushure mekuita musangano nevamiriri vehurumende. Asi muzinda weNestle kuSwitzerland wakaramba mashoko aya, ukati kambani iyi yakanga ichiri kuongorora zvavakanga vakurukura nehurumende.

Mutungamiri weAffirmative Action Group, VaSupa Mandiwandzira, vashoropodza matanho akatorwa nekambani yeNestle.

XS
SM
MD
LG