Accessibility links

Breaking News

VaMatinenga Votaura Pamusoro peMisangano Yekunyorwa kweBumbiro Idzva Ichaitwa Zvakare


Gurukota rezvebumbiro remitemo pamwe nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti mazuva achadzokororwa misangano yekutsvaga pfungwa dzevanhu mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika achaziviswa svondo rino.

Misangano yakawanda munyika yakasiirwa panzira nezvikonzero zvakasiyana-siyana, izvo zvinosanganisirawo mhirizhonga yakaitika muHarare, Bulawayo, Manicaland nedzimwe nzvimbo.

Mhirizhonga iyi inonzi yaikonzerwa nevatsigiri veZanu PF. Svondo rapera, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakaudza vatori venhau kuti mhirizhonga yakadai ikaramba ichiitika, havaizopinda musarudzo dzinenge dziine kurwisana.

Hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kunyora bumbiro idzva mukati memwedzi makumi maviri nemina kubva pakaumbwa hurumende iyi. Mushure mezvo, panofanirwa kuitwa sarudzo dzakachena, idzo dzinozoburitsa hurumende inofanirwa kutonga nyika.

Mukupera kwesvondo, VaMatinenga vakazivisiawo kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chava kuzotarisirwa kupera pakati pemwedzi unouya, Gumiguru.

XS
SM
MD
LG