Accessibility links

Breaking News

Gurukota reZvicherwa Rodzorera Mangoda kuRBZ


Gurukota rezvezvicherwa munyika, VaObert Mpofu, avo vakatora nechisimba mangoda akacherwa kwaMarange kubva kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, vachitsigirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vazobvuma kudzosera mangoda aya kubhanga guru renyika vachitevedzera mutongo wedare repamusorosoro reSupreme Court.

VaMpofu vakashoropodzwa zvikuru apo vakatora mangoda aya anonzi ndeekambani ye African Consolidated Resources, ACR, ayo akabvutwa nemauto muna 2006 apo ACR yakadzingwa kuminda yemangoda yekwaMarange.

Mutongi mukuru wedare repamusorosoro, Justice Godfrey Chidyausiku, vakapa mutongo wekuti mangoda aya achengetedzwe kubhanga reRBZ kusvikira nyaya iri kumatare yekuti ndiani ane mvumo yekuchera mangoda kwaMarange yapera.

VaChidyausiku vakatizve kambani yeMbada Diamonds imbomira kuchera mangoda pari zvino kwa Chiadzwa kudzamara nyaya iri mumatare yapera kutongwa.

Mutevedzeri wegurukota rezvezviwanikwa, VaMurisi Zwizwai, vati ichokwadi kuti mangoda aya ave kudzorerwa kuRBZ sezvakatarwa nematare.

Vatiwo mutemo haunei nekuti wabuda mumba maani nekudaro VaMpofu vaifanira kutevedza chisungo chedare.

XS
SM
MD
LG