Accessibility links

Breaking News

Gurukota reManicaland Amai Gwaradzima Voramba Kuti Vakaita Huori paKuti VaPerrance Shiri Vape Mwana Wavo Purazi


Gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland zvakare vari sachigaro wekomiti yehurumende inoona nezvekupa vanhu minda mudunhu iri, Doctor Ellen Gwaradzimba vakaudza paramende neChipiri kuti hapana chavakatadza apo vakanyora tsamba kune vaimbove gurukota rezvekurima, muchakabvu Perence Shiri, kuti mwana apihwe munda papurazi reFarefell Coffee Estate kuChipinge muna 2018.

Komiti yaVaJustice Wadyajena iri kuda kuziva kuti sei Amai Gwaradzimba vakanyora tsamba kunaVaShiri kuti mwana wavo, Rememberance Mbudzana, apihwe munda papurazi reFarefell pasina kutevedzwa gwara.

Mukuru anoona nezveminda kuManicaland, VaClifford Mukoyi, vaudza komiti iyi kuti kunyange hazvo VaMbudzana vainge vanyorera kuti vaida munda, komiti inoona nezvekupa minda, haina kunge yagara kuti izeye nyaya yavo uye vakotozoona tsamba yekuvapa munda ichibva kukumahofisi aVaShiri.

VaMukoyi vati Amai Gwaradzimba vakazovivisa komiti vatopedzerana naVaShiri.

Amai Gwaradzimba vati ivo sachigaro wekomiti inoona nezvekupa vanhu minda kuManicaland vane mvumo yekumirira komiti iyi vachiti ndozvakaita pavaitsvagira mwana wavo munda. Vati zvese zvavakaita zvaiva pamutemo.

Kupihwa munda kwaVaMbudzana, paFarfell Coffee Estate, kwakamutsa mutauro munyika sezvo muridzi wepurazi iri , VaRichard Le Vieux, vakatangawo kuchema chema vachiti vainge vave kunganganiswa bhizimisi ravo rekutengesa Coffee kunze kwenyika.

Izvi zvakazoita kuti dare remakurukota ritsvagire VaMbudzana rimwe purazi kuChipinge kwekare.

Dr Gwaradzimba vati havaoni chikonzero chekuti paramende irambe ichivabvunzurudza pamusoro penyaya iyi sezvo yakatopedzwa nedare remakurukota.

Asi VaWadyajena vaudza Dr Gwaradzimba kuti paramende inota basa rayo zvisineyi nezvinege zvaitwa nedare remakurukota.

Vati havana kufara nekuti Dr Gwaradzimba pamwe naVaMukoyo havana kuuya nehumbowo hwange hwakatarisirwa uye vavati vadzoke zvekare nematasamba anoratidza magwaro aVaMbudzana ekutsvaga munda, maOffer letters avo ekuFarfell nekupurazi kwavati vakazvipa pamwe nemamwe magwaro anoratidzawo misangano yese yeProvincial Lands Committee kuManicaland.

VaWadyajena vatiwo komiti yavo haina kufara kuti Dr Gwaradzimba naVaMukoyi vakatora nguva inodarika gore kuti vauuye kuzopindura mibvunzo kuparamende.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG