Accessibility links

Breaking News

Gurukota rekuChina Rinoita Hurukuro naVaTsvangirai naVaMugabe


Zimbabwean President Robert Mugabe, right, welcomes the Chinese foreign affairs minister Yang Jiechi at State House in Harare, Zimbabwe, Friday, Feb. 11, 2011. Yang is in the country on a two day working visit.
Zimbabwean President Robert Mugabe, right, welcomes the Chinese foreign affairs minister Yang Jiechi at State House in Harare, Zimbabwe, Friday, Feb. 11, 2011. Yang is in the country on a two day working visit.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti chibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, icho chikaita kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa, hachisi kuguma neChishanu sezviri kunyorwa mune mamwe mapepanhau. VaTsvangirai vataura mashoko aya apo vange voda kuita hurukuro dzavo negurukota rinoona nezvekunze muChina, iro riri kushanya munyika.

VaTsvangirai vati vanovimba kuti zvese zvinofanirwa kuitwa, zvichaitwa kuitira kuti nyika ikwanise kuve nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura pamusoro pekushanya kwaVa Jeichi muZimbabwe, VaTsvangirai vati kudyidzana kweZimbabwe neChina kunofanira kusimbaradzwa. VaTsvangirai vati vanoziva kuti China ine zvirongwa zvakakwanda zvairi kuita muZimbabwe. Vatiwo nyika iyi inofanira kuenderera mberi ichiita mabasa ekusimudzira hupfumi hwenyika, pamwe nehupenyu hwezvanhu vemuZimbabwe.

Vati zvakakoksha kuti Zimbabwe neChina dzirambe dzichidyidzana nekuti zvinobatsira vanhu vemunyika mbiri idzi.

VaJeichi, avo vakasvika muZimbabwe neChina manheru, varumbidza zvizvarwa zvemuZimbabwe nekuumba hurumende yemubatanidzwa, iyo vati yava kuita kuti hupenyu hwevanhu vemuZimbabwe, huve nani.

Vati nyika yavo icharamba ichishanda neZimbabwe uye zvirongwa zviri kuitwa neChina muZimbabwe, zvinoratidza kuti nyika mbiri idzi dzicharamba dzichibudirira kuburikidza nekushanda pamwe chete.

Mushure memusangano wavo naVaTsvangirai, VaJeichi vaenda kuchikoro chezvekurima cheGwebi Agricultural College, uko vanovhura muzinda wehunyanzvi pachikoro ichi weAgricultural Technology Centre, iyo yakavakwa nerubatsiro neruzivo rwakakbva kuChina.

Pamuzinda mutsva uyu panenge pachidzidziswa vanhu vemudunhu rekuchamhembe kweAfrica hunyanzvi munyaya dzekurima zvikuru sei munyaya dzekudiridzira kana kuti irrigation pachirungu.

VaJeichi vaitawo musangano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe negurukota rinoona nezvekunze kweZimbabwe, VaSimbarashe Mumbengegwi. Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvabuda mumusangano uyu.

Kunyange hazvo makambani ekuChina ari kuwanisa vanhu vemuZimbabwe mabasa, masangano anomirira vashandi anoti makambani aya haasi kutevedzera zvinokomekedzwa nemitemo yevashandi nemabasa munyika muno.

Izvi zvakatsigirwa negurukota rezvemabasa, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, avo vakati hurumende ichatorera makambani aya matanho akasimba.

XS
SM
MD
LG