Accessibility links

Breaking News

Nzira Dzonanga kuDallas kuZim Achievers Awards USA 2017


Gungano reZimbabwe Achievers Awards Gala USA 2017
Gungano reZimbabwe Achievers Awards Gala USA 2017

Kunenge kusingadanwi anonzwa kugungano reZimbabwe Achievers Awards, ZAA, iro riri kuitirwa kuDallas kuTexas nemusi weMugovera, Mbudzi 11, 2017.

Chirongwa cheZAA ndechekupa mibairo kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda zvichisimudzira nharaunda dzazvinogara, kusanganisirawo kuZimbabwe kwazvinobva.

Pane zvikwata zvakawanda zvevanhu vachange vachipiwa mibairo yegore rino vakatodomwa kare kuburikidza nekuvhoterwa kwavanga vachiitwa mumasvondo matatu apfuura.

Mumwe wevari kuronga gungano regore rino, Muzvare Tonderai Karimazondo, vanoti vari kutarisira kuti chirongwa chavo chichabudirira zvikuru.

Muzvare Tonderai Karimazondo veZAA USA 2017 Gala
Muzvare Tonderai Karimazondo veZAA USA 2017 Gala

Muzvare Karimazondo vanoti vakatanga chirongwa chekuita gungano iri nekuti vakaona kuti pane zvizvarwa zvekuZimbabwe zvakawanda zviri kubudirira nenzira dzakasiyana siyana muhupenyu, asi pasina anozviremekedza.

Asi vanoti nekuti vanhu ava vari kure nekumusha, havambopiwa ruremekedzo kwavari kuno kuAmerica, kana kuwanawo anovatenda.

Muzvare Karimazondo vanoti chirongwa chavo imwe yenzira dzekungoyeuchidzana kuti zvakanaka zvamuri kuita tiri kuzviwona huye zvinotendwa nekupa mibairo yeruremekedzo iyi yeZAA.

“Sangano redu reZAA harina mari, naizvozvo tinopa ma plaque anenge akanyorwa zita remunhu ari kuremekedzwa nekutendwa. Vazhinji vevanhu ava vanotozvikudza izvozvo vachingofarira kuti pane vamwe vanhu vari kuwonawo mabasa avari kuita kusvika pachinhanho chekuvatenda pamwe nekuvaremekedza zvinovavhurirawo mikana yekuti zita ravo rizivikanwe kuti vanomboita basa ripi munharaunda pamwe nezvirongwa zvavo,” Muzvare Karimazondo vanotsanangura

Muzvare Tonderai Karimazondo veZim Achievers Awards USA 2017 Gala
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG