Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzinomiswa maBasa neGMB


GMB SILOS
GMB SILOS

Nhengo dzebato reMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai idzo dzainge dzawana mabasa kumadepoti eGrain Marketing Board (GMB) muChinhoyi neLions Den dzakaburitswa basa nekurudziro inonzi yakaitwa nevechidiki veZanu PF kuvakuru veGMB munzvimbo idzi.

Mumwe wevakaburitswa basa padhepoti remuLions VaDen, VaShingirirayi Zuze, vanoti kusvika parizvino havasi kugutsikana kuti basa ravainge vawana rakatopera nekuda kwekuti vanotsigira bato reMDC-T.

VaZuze, avo vanoti vainge vashanda kwemazuva maviri, vanoti kusvika parizvino havasati vapihwa mari yavainge vashandira.

Mumwe mushandi akadzingwawo paLions Den, VaDryden Shoko, vanoti kudzingwa kwenhengo dzeMDC-T basa neGMB mucherechedzo wekuti munhu anogona kupara mhosva nezita rekuti Zanu PF asina zvaanoitwa kunyange achinyepa.

VaZuze vanoti pari zvino vave parumananzombe sezvo mudzimai wavo ave kuvaramba nekunerumwe rutivi bato ravo harina zvariri kuita.

Mukuru wevechidiki weMDC-T muLions Den, VaWashington Makoni, vanoti varikuronga kuratidzira sezvo vana vemuZimbabwe vaine kodzero yakafanana kushanda mumapazi ehurumende.

Asi mukuru wevechidiki weZanu PF muLions Den, VaMeki Dzumbunu, vanoti manyepo kuti nhengo dzavo ndidzo dzakakonzeresa kuti nhengo dzeMDC-T dzidzingwe mabasa. VaDzumbunu vanoti vose vakamiswa mabasa nguva yavo yekusevenza yainge yakwana zvichienderana nezvibvumirano zvavakanyorerana nekambani iyi.

Mukuru weGMB paLions Den VaJosiah Zhoya vanoti manyepo kuti vashandi vakamiswa basa nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika. VaZhoya vanoti vakamisa vanhu vana nekuda kwekuti kwavaienda kunoshandira kwakambomiswa kutorwa vashandi sezvo chibage chainge chisati chawanda zvakanyanya sezvaifungidzirwa.

VaZhoya vanobvuma kuti vezvematongerwo enyika vanombokumbirirawo nhengo dzavo kuti dziwane mabasa asi ivo vanoona kuti munhu wacho anokwanisa kuita basa rinenge richifanirwa kuitwa here kana kuti kwete.

VaZhonya vanoti mutemo weGMB unovamanikidza kutora avo vaimbove vashandi vavo kare sezvo vachiziva zvinodikanwa kwete vatsva avo vanofanirwa kumbodzidziswa zvekuita.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG