Accessibility links

Breaking News

Germany Yoburitswa Mumakwikwi eWorld Cup


Germany iyo yakasimudza mukombe weWorld Cup kuBrazil muna 2014 nezuro yakaburitswa muchikamu chekutanga chemakwikwi aya kuRussia mushure mekurohwa 2-0 neSouth Korea muGroup F.

Mune mumwe mutambo muGroup iri, Sweden yakatova Mexico 3-0 asi nyika mbiri idzi dzakabudirira kuenda muchikamu chechipiri.

Germany yapinda munhoroondo yezvikwata zvakasimudza mukombe zvozobuditswa muchikamu chekutanga. izvi ndizvo zvakaitwa France, Italy neSpain.

Mitambo yenhabvu yeWorld Cup iri kutambirwa kuRussia iri kuenderera mberi nhasi.

Pane mumwe mutambo wakatambwa nezuro muGroup E, Brazil 2- Serbia 0, Costa rica 2, Switerland 2.

Neymar
Neymar

Nhasi muGroup H mitambo iriko yakamira yakadai, Senegal neColumbiA kochizoti Japan nePoland.

Muzvikwata zvabudirira mukupinda muzvikwata gumi nezvitanhatu kana kuti Round of 16, France iri kutamba neArgentina musi weMugovera na 4 masikati panguva imwe Uruguay ichitamba nePortugal.

Lionel Messi
Lionel Messi

Nemusi weSvondo Spain iri kutamba neRussia musi nenguva dza 4 masikati apo Croatia inenge ichitamba ne Denmark. Mumwe mutambo pakati peBrazil neMexico unenge uriko nemusi weMuvhuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG