Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vagere paGaths Mine Vodzingwa Mudzimba


Masvingo farmers

Mhuri makumi maviri dzasara dzisina pekugara mushure mukubudiswa pamwe nezvinhu zvadzo mudzimba dzadzanga dzichigara pamugodhi weGaths Mine kuMasvingo.

Chikonzi chedare redzimhosva rekuMasvingo chaenda nemapurisa ange akapakatira zvombo ndokubuditsa midziyo pamwe nevanhu mudzimba dzavanga vachigara kwehupenyu hwavo hwese.

Chikonzi ichi chashandisa mutongo wekuti vanhu ava vabudiswe sezvo kambani yeGaths Mine yakatengesa dzimba idzi kuGreat Zimbabwe University.

Vagari vataura neStudio7 vanoti vave kutogara panze nemhuri dzavo nekuti havana kwekuenda.

Vamwe vaimbove vashandi pamugodhi uyu vanoti vanasekuru nevabereki vavo vakabva kunyika dzakaita seMalawai ne Zambia, vachizoshandira muZimbabwe nyika isati yawana kuzvitonga.

Amai Emily Bitu, avo vanogara mumusha weChemberi mu Gaths Mine, vanoti varwadziswa nekubudiswa nechisimba mumba mavo.

Vagari ava vanoti vava kutyira hupenyu hwevana vavo nekuti vachange vachigara pamhene zvichaita kuti vave munjodzi yekubata zvirwere apo nyika yatarisana nemwaka wekunaya kwemvura.

Amai Silengani Batai vemumusha weTemeria, vanoti ivo havana kwekuenda nekudaro vanoshaya kuti voita sei nevana vavo pamwe nevazukuru.

Vamwe vana vataura neStudio 7 vanoti vakazvarirwa pamugodhi uyu, uyo wakavharwa mushure mekunge vaimbova muridzi wawo, VaMutumwa Mawere, vatosvorana nehurumende yaitungamirirwa nemushakabvu Robert Mugabe.

Mumwe mugari, VaWellington Mawarire, vanoti dzimba idzi dzakange dzapihwa vabereki vavo, vamwe vakashanda kwemakore anodarika makumi matatu sepenjeni sezvo pakavharwa kambani iyi, vashandi havana chavakawana.

Vagari ava vakaendeswa kudare redzimhosva mushure mekunge varamba kubuda mudzimba idzi vakanzi nedare reamajisiireti vabude.

Asi gweta riri kumirira vagari ava, VaCollen Maboke, vanoti chikonzi chaita zvisiri pamutemo sezvo vakapikisa mutongo wedare repasi kuHigh Court, iyo isati yatura mutongo wayo pagakava iri.

VaMaboke vati vari mubishi rekugadzira magwaro ekuendesa kuHigh Court, vachikumbira kuti dare iri rimise kuburitswa kuri kuita vagari ava mudzimba dzavari kugara kudzamara dare iri rapedza kutonga nyaya iyi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko paGreat Zimbabwe University, VaAnderson Chipatiso, vati varidzi vemugodhi ndivo vakaita kuti vanhu vabviswe mudzimba idzi, kwete chikoro chavo .

Studio7 yakundikana kubata vari kufambisa basa kuGahts Mine, iyo inonzi iri mumaoko ehurumende pari zvino.

Vagari vanosvika zana vari kutarisirwa kubudiswa mudzimba dzavo, sezvo chikonzi change chiri mubishi rekuburitsa vanhu mudzimba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG