Accessibility links

Breaking News

EU Nhasi Yozeyazve Nyaya yeKutemera VaMnangagawa neMamwe Makurukota Avo Zvirango


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Makurukota ezvekudyidzana nedzimwe nyika musangano reEuropean Union ari kusangana muBrussel, Belgium nhasi kuti vazeye kurudziro yakaitwa nenhengo dzavo dzeparamende nemusi weChina yekuti sangano iri riwedzere nekusimbaradza zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru venyika yeZimbabwe

Vane ruzivo nezviri kuitika muEU vanoti izvi zvonosanganisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vatevedzeri vavo, mamwe makurukota nevakuru vemauro.

EU inoti haina kufara nenyaya yekuti mutungamiri wenyika VaMnangagwa vakatuma mauto kunodzivirira vanhu kuratidzira zvakapa kuti mauto, mapurisa nevasori vapomerwe mhosva yekuuraya vanhu gumi nevanomwe, kubata chibharo mamwe madzimai uye kuita vakawanda kafiramberi.

Pazvirango zveEU painge pangosara vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe uye kambani yeZimbabwe Defence Industries.

Asi kunyangwe masangano eEU, neUnited Nations uye America ange achichishora nyaya yekushandiswa kwemauto pavanhu vasina zvombo, VaMnangagwa nemusi weMugovera vakaudza vatsigiri vavo kuMwenezi kuti vanhu vakaratidzira vanotumirazve mauto aya zvekare.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo nezvemashoko avamnangawa aya sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi danho ravamnangwa rekushandisa mauto iri riri kushorwa nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paUniversity of Johannesburg muSouth Africa. Vanoti mashoko aVaMnangagwa anotopesvedzera mhirizhonga.

Hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG