Accessibility links

Breaking News

Econet Yoparura Chirongwa cheKubhenga Mari neMbozhanhare


Econet Wireless Zimbabwe CEO Douglas Mboweni
Econet Wireless Zimbabwe CEO Douglas Mboweni
Veruzhinji vakawanda vanga vachitadza kuvhura mabhuku ekuchengetera mari dzavo kumabhanga vava kukwanisa kuita izvi zvichitevera kuparurwa kwechirongwa che Eco-Cashsave.

Mumashoko avo pakuparurwa kweEco-Cashsave muHarare neChitatu, Eco-cash ne Steward Bank, makambani ari pasi pe Econet Wireless Zimbabwe, vati chirongwa ichi chichaita kuti veruzhinji kumaruwa, vanozvishandira pamwe nevarimi vakwanise kuchengetedza mari dzavo mubhanga.

Mukuru weEco-cash, VaCuthert Tembedza, vanoti ani nani zvake anokwanisa kuvhura Eco -Cash Savings Account pachena pasina gwaro kana mari inodiwa.

VaTembedza vanoti chirongwa ichi chichabatsira zvikuru mukuti vanhu vachenghetedze mari yavo kunyange iri shoma.

Mukuru weSteward Bank, VaKwanele Ngwenya, vanotiwo chinangwa chikuru cheEco-Cashsave ndechekuti munhu wese munyika akwanise kuchengetedza mari yake mubhanga.

Humbowo kubva kubhanga guru munyika, reReserve Bank of Zimbabwe, hunoratidza kuti vanhu zviuru mazana masere nechidumbu chete ndivo chete vanochengetedza mari mumabhangi munyika ine vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematatu.

Mabhanga ese munyika anoomesera vanhu vasina mabasa, vanozvishandira, varimi veminda midiki nevamwe kana vachida kuvhura mabhuku kumabhanga.

Mabhanga aya anodawo mari inobvira pamadhora gumi kusvika pazana remadhora kuti munhu avhure bhuku kubhanga.

Mukuru weEconet Wireless Zimbabwe, VaDouglas Mboweni, avo vange vari pachiitiko ichi, vanotiwo vanofara chose kuti kambani yavo yave kurerutsa pamwe nekusimudzira hupenyu hwevanhu munyika.

Pane vanhu vanodarika mamiriyoni masere vanoshandisa nharembozha dze Econet muZimbabwe uye vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe nezvikamu zvinomwe kubva muzana munyika vave kushandisa mbozhanhare muZimbabwe.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG