Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC-T Gumi Dzinosungwa Zvakare


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti mapurisa akasunga zvakare dzimwe nhengo dzayo gumi mukupera kwesvondo.

Mapurisa anoti vanhu ava vane chekuita nekuurayiwa kwakaitwa Inspector Petros Mutedza mumhirizhonga yakaitikira murimwe bhawa remuGlen View masvondo maviri apfura.

MDC inoti vasungwa vatsva ava havasi kuzivikanwa kuti vakachengeterwa kupi sezvo mapurisa ari kurambidza magweta ari kuvamirira kuti avaone.

Vatsigiri veMDC yaVaTsvangirai gumi nevaviri vakamiswa pamberi pedare nemusi weChishanu vachipomerwa mwosva yekuuraya VaMutedza. Izvi zvava kureva kuti nhengo dzeMDC-T makumi maviri nembiri dzava muhusungwa dzichipomerwa mhosva yekuponda mupurisa uyu.

Asi nhengo dzeMDC idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa.

Mutauriri weMDC, VaDouglas Mwonzora, vanoti vava kutyira kuti vakasungwa pakupera pesvondo ava, vanogona kurohwa nekutochwa zvakaipisisa nemapurisa sezvakaitwa vamwe vavo svondo rapera.

XS
SM
MD
LG