Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotatsurana neHighlanders muChibuku Super Cup


Dynamos-v-Highlander

Chikwata cheDynamos chatambidzwa Highlanders mumakundano eChibuku Super Cup.

Uyu ndiwo mumwe wemitambo mikuru miviri yabuda mumubatanidzwa yezvikwa yeChibuku Super Cup yaitwa nhasi masikati mumwe wacho uchisanganisirawo Caps United ne Harare City.

Mitambo iyi iriko musi wa 29 Gunyana. Dynamos neHighlanders dzine nhoroondo yakasimba yekukwidzana asi mubati wehomwe weDembare VaWebster Marechera vanoti vachakunda.

Makepekepe Iri kusangana neHarare City iyo ichangobva kuvatorera murairidzi wavo Lloyd Chitembwe.

Asi maneja weCaps United VaShakesper Chinogwenya vanoti uyu mutambo ndewevarairidzi vaviri Chitembwe wacho neakamutsiva Darlington Dodo.

Mimwe mitambo iri kusanganisira Chicken Inn neManica Diamonds pamwe neZPC Kariba neHwange.

Chikwata chichakunda pakati peMushowani neBulawayo Chiefs chichasangana neNgezi, Black Rhinos ichitamba nevachakunda pakati peYadah ne TelOne.

Munyori mukuru weBlack Rhinos Lieutenant Mabhinginye vanoti varikuda kushandura matambiro avari kuita muligi kuisa kumukombe uyu.
Chikwata chichatora mukombe uyu chinobudirira kumirira nyika muCaf Confederation Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG