Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Idai Rouraya Vanhu Makumi Mapfumbamwe neVasere


Chimanimani

Vanhu vanosvika makumi mapfumbamwe nevasere vafa kuChipinge neChimanimani uye kuMasvingo nekuda kwedutumupengo remafashamu emvura nemhepo kana kuti Tropical Cyclone Idai.

Vanhu mazana maviri negumi nevanomwe havasi kuzivikanwa kuti vari kupi uye vamwe makumi mana nevaviri vakavharirwa pazvitsuwa.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti vanhu makumi masere nevanomwe kusvika parizvino.

VaMangwana vanoti mvura inenge yambomira kunaya nekudaro vave kusimbisa kubatsira vanhu uye kubatsira mukuvigwa kwevanhu vakarasikirwa nehupenyu. Vatiwo kwave nemauto akawanda nemapurisa ari kubatsira vanhu.

Varambawo mashoko ekuti hurumende yakanonoka kubatsira vanhu vachiti hapana ainge awona kuti dambudziko iri richakurai zvakadai.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutori wenhau weStudio 7, Loirdham Moyo uyo akashanyira nzvimbo dzakawanda dzakawirwa nedambudziko iri kuChimanimani neChipinge.

Hurukuro naLoirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntónio Guterres nemusi weSvondo vakatumirawo mashoko enyaradzo kune vakashaikirwa nehama muZimbabwe. Vanoti vari kunzwa kusuwa kukuru nekurasikirwa kwehupenyu kwevanhu uye kuparadzwa kwemigwagwa nezvivakwa muZimbabwe.

United Nations yakazivisawo kuti yave kubatsira Zimbabwe kuburikidza nemapazi ayo ari munyika.

United Nations inoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu vakatarisana nedambudziko guru mu Mozambique, Malawi neZimbabwe nekuda kwedutumupengo iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG