Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Jonathan Moyo Vanoti Vari Kutya Kudzoka Kumusha


Professor Jonathan Moyo
Professor Jonathan Moyo

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Ricky Mukonza, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika, vanoti mashoko ataurwa nevaive Gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo, avo vakatiza munyika, panhepfenyuro yeBBC ekuti vari kutya kudzoka munyika pari zvino, anogona kunge ari echokwadi.

Doctor Mukonza vanoti VaMoyo vanoziva kuti vanogona kumbunyikidzwa pamwe nekusungwa nehurumende yaVaMnangagwa, kwete nekuti vane mhaka yavakapara, asi kuti vari kuchikwata cheG40, chinova chaipikisana nechikwata chaitsigra mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, cheLacoste.

Vanotiwo vanhu vasatange vashora zviri kutaurwa naVaMoyo nekuti haisi nyore murume mukuru kungotaura, vachiti panopfumbuka chiutsi pose pane moto, vachiti pada vanenge vaine zvimwe zvavanoziva kana kuona semunhu agara mune zvematongerwo enyika kwenguva yakati rebeyi vachiona zvakawanda.

Muzvinafundo Moyo vaudza BBC kuti vakabuda munyika zviri pamutemo sezvo vakabatsirwa nehurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, asi vachiti vaiziva kuti hupenyu hwavo hwakanga huri munjodzi nemauto akaparadza imba yavo.

Doctor Mukonza vanokurudzira veruzhinji kuti vanyatsoongorora mashoko aVaMoyo nekuti zvakaitika kuti hurumende iripo igopinda panyanga zvinonetsa kunyatsotsanangura pamutemo sezvo VaMugabe vachinzi vakanyora gwaro rekusiya basa vakamiririrwa nemauto.

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vabudawo vachishoropodza mashoko ataurwa naMuzvinafundo Moyo vachiti VaMoyo havana kodzero yekutaura vakamiririra zvizvarwa zveZimbabwe nekuti vari kutsvaga kumutsa mheremhere chete semunhu akatotizawo munyika uye asisiri muhurumende iri kutonga.

VaMoyo vati vana veZimbabwe vari kunetsekana nekuda kuziva kuti chii chakaitika kuna VaMugabe, uye vati VaMugabe vakanyadziswa kwazvo pavakabviswa pachigaro. Vatiwo vana veZimbabwe vanoda kuona nyika ichidzokera mukuremekedza bumbiro remitemo uye vachaona izvi zvichiitika.

VaCharamba vatiwo kutsvaga kweashaya kupinda pese-pese pasina chinobuda nekuti hurumende yakatochinja uye hapana achiri kunetseka nekuti VaMugabe varipi sezvataurwa naVaMoyo zvekuti vana veZimbabwe vari kushushikana nekuda kuziva kuti VaMugabe varipi.

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG