Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vochema Chema neChirongwa Chekunyoresa


Vanhu vanoraramba nehurema kwaMutare vanoti havasi kufara nekusamira zvakanaka kwenzvimbo dzavanenge vachifanirwa kunonyoresa kuzovhota pamwe nekunoongorora mazita avo kana arimo mugwaro revavhoti. Vanorarama nehurema vanoti dzimwe nzvimbo idzi hadzisvikike nyore.

Kutanga neMuvhuro kusvika musi weChishanu vanhu vemaMutare vanenge vachinonyoresa kuzovhota vamwe vachinoongorora mazita avo mugwaro rine mazita evanhu vakanyoresa kuvhota, kana kuti voters’ roll.

Asi kunyange hazvo vamwe vari kuenda vachinoita izvi, vanorarama nehurema vanoti kodzero dzavo dziri kutyorwa zvachose sezvo nzvimbo dzakaita sekuSakubva Beit Hall, Dangamvura Beit Hall, Chirowakamwe, Mutare Junior School nedzimwewo dzichinetsa kuti vasvike.

Mumwe wevanorarama nehurrema, VaCrispen Dhliwayo, vanoti kunyange hazvo bumbiro idzva remitemo yenyika richichengetedza kodzero dzavo, hapana zvizhinji zvavari kuyamurika nazvo kuti vave neruzivo hwezviri kuitika sezvo vari murima pamusoro penyaya iyi. Vanoti pareferendamu vakayamurika zvikuru nezviverengwa zve-braille, asi pari zvino hapana chikiriko.

Mumwe mudzimai anofamba nemadondoro, Amai Magret Chikamba, vanoti nzvimbo dzekunyoresa dziri kure zvekuti kuendako zvinovarwadza. Amai ava vanoti dai Zimbabwe Electoral Commission yakaita hurongwa hwekufambira nzvimbo dzakawanda kuitira kuti vanhu vasambe nzendo refu.

Mugari wemaMutare mumusha weDangamvura, uye vari munyori we-sangano revanorarama nehurema reNational Council of Disabled Persons of Zimbambwe, VaChamunorwa Dube, vanoshandisa hwiricheya mukufamba kwavo, vanoti nguva zhinji vanorarama nehurema vanosangana nedambudziko rekusvika munzvimbo dzine masitepisi.

VaDube vanoti zvavanochemera kuti zvizadzikiswe zvinongoda kunzwisisa kuzere kubva kuhutungamiriri sezvo zvisingadhuri kuzviita.

Vasingatauri vanoshuvirawo kuti dzidziso yekunyoresa kuvhota, pamwe neyekuzovhota kwacho, inofanirwa kuitwawo nemutauro wavo wemaoko, kana kuti sign language. Vanhu ava vanoti mutauro wemaoko mumwe wemitauro gumi nemitanhatu iri inocherechedzwa zviri pamutemo.

Mukuru weZEC mudunhu reManicaland, VaJohn Magobeya, havana kuwanikwa nhasi kuti tinzwe divi ravo pamusoro pezvichemo zvataurwa nevanorarama nehurema.

Chirongwa chekunyoresa maMutare chakatanga neMuvhuro, uye chiri kutarisirwa kupera nemusi weChishanu.

Matambudziko ari kusangana nevanorarama nehurema kwaMutare, matambudziko ari kusangana nevanhu vakadai munzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose.

Vanhu vari kunyoresa kuvhota vanosungirwa kunge vave nemakore gumi nemasere ekuberekwa, uye vaine chitupa, chepepa, chepurasitiki kana simbi chero pasipoti ichiri kushanda. Chimwe chezvinodiwa itsamba yemagetsi, yemvura uye yemuridzi wemba kana munhu achiroja inoratidza kuti munhu anogara munzvimbo ipi.
XS
SM
MD
LG