Accessibility links

Breaking News

Dingidira Rezvemabhizimisi Rotarisirwa Kutanga MuBulawayo Mangwana


Chirongwa chekuratidza zvigadzirwa zvemakambani, che Zimbabwe International Trade Fair, chiri kutanga mwangwana muBulawayo.

Chirongwa chegore rino chiri kupindwawo nemakambani e ku Italy, Germany ne Poland ayo ange ambomira kuratidzira zviratidzwa zvavo makore apfuura.

China ne South Africa ndidzo nyika mbiri dzine makambani akawanda achave ari ku ZITF. Mubati wehomwe musangano re Zimbabwe International Trade Fair, va Bernard Ncube, vanoti vari kufara nemafambiro ari kuita zvinhu pari zvino.

Dzimwe nyika dzichange dziri pa Zimbabwe International Trade Fair dzinosanganisira Botswana, Kenya, Indonesia, Iran, Malawi, Mozambique ne Zambia.

VaNcube vanoti chirongwa ichi chakakura zvikuru gore rino uye vanofunga kuti vemabhizinisi vachadzidza zvakawanda pachirongwa cheTrade Fair.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika va Joyce Mujuru varikutarisirwa kuve mumwe weavo vachange vari pa International Business Conference ichaitwa pa chirongwa ichi neChitatu.

Brazil ichange iri imwe yenyika dzvitsva dzichange dziri pachirongwa ichi.

XS
SM
MD
LG