Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Harisati Razeya Kufa kwaVa Mujuru


Makurukota ataura ne Studio 7 anoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakapa chiziviso chekushaya kwava mujuru mudare remakurukota, asi hapa kuzotaurwa nezvingaitwe nehurumende pamafiro avo

Dare remakurukota rinzonzi harisati razeya nyaya yekufa kwaVa Solomon Mujuru avo vakavigwa segamba renyika ku Heroes Acre neMugovera.

VaMujuru vakafa mushure mekutsva nemoto mumba yavo yekupurazi ravo reku Beatrice. Makurukota ataura ne Studio 7 anoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakapa chiziviso chekushaya kwava mujuru mudare remakurukota, asi hapa kuzotaurwa nezvingaitwe nehurumende pamafiro avo.

Vazhinji vanga vachitarisa kuti Va Mujuru, semunhu mukuru akashandira hurumende, vaifanirwa kutaurwa nezvemafiro avo, dare remakurukota rotora danho panyaya iyi.

Mapurisa haasati aburitsa zvaaona muongororo yavo. Asi vazhinji vanoti havafungi kuti pachabuda chinhu nekuti vanhu vazhinji, kunyanya ve ZANU-PF, vakatsika tsika nzvimbo iyi vasina kutevedzerwa zvinodiwa kuitira kuti huchapupu hwematsimba evanhu vakasvika pamba paVaMujuru husavhiringidzwe.

Va Eric Matinenga ndivo gurukota rinoona nezvebumbiro remitemo nemabasa eparamemende.

Va Matinenge vati nguva haisati yakwana kuti kuitwe ongororo ye inquest yakazvimirira yoga kasi vanoshushikana sevazhinji munyika kuti humbowo huchanetsa kuwana munyaya iyi sezvo mumba makafira Va Mujuru nezvimbo iyi papurazi apa haina kunga yachengetedzwa nenguva nemapurisa.

XS
SM
MD
LG