Accessibility links

Breaking News

Dare Re Senate Rinoti Nherere dze HIV Dzawanda Munyika


Vanhu ava vari pakati pemakore gumi nemashanu (15) ne makumi mana nemapfumbamwe (49). Gwaro raburitswa ne komiti iyi rinoratidzazve kuti vana vanosvika 1,6 million vava nherera nekuda kwechirwere ichi

Komiti yedare reSeneti inoona nezve HIV/AIDS uye kurapwa kwevanhu munyika inoti vanhu vanosvika miriyoni nechidimbu munyika vari kurarama ne HIV.

Vanhu ava vari pakati pemakore gumi nemashanu (15) ne makumi mana nemapfumbamwe (49). Gwaro raburitswa ne komiti iyi rinoratidzazve kuti vana vanosvika 1,6 million vava nherera nekuda kwechirwere ichi.

Gwaro iri rinoti gore ne gore vana zviuru makumi mana vari kufa nekuda kwechirwere ichi. Zvinonziwo madzimai munyika ndivo vakawanda vari kurarama nehutachiwona uye vanasikana vari pakati pemakore gumi nemashanu ne gumi namapfumbamwe ndivo vanotyirwa kuti vangangosangana nedambudziko re HIV nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Muzvare Martha Tholana mumwe weavo vanorarama ne HIV/AIDS uye vachishanda nemadzimai ane hutachiona. Vanoti pachine zvakawanda zvinofanira kuitwa nehurumende kuti vane utachiwona vachengetedzwe zvakanaka.

XS
SM
MD
LG