Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva rePamusorosoro Rinomisa Kutengeswa kweMangodza ekwaMarange


Vachipa mutongo wavo neMuvhuro panyaya yakakwidzwa mudare ne ACR, mukuru wevatongi vematare, Chief Justice Godfrey Chidyausiku, vakati mangoda ese asatengeswa, uye atorwe nekuchengetedzwa nebhanga guru kusvika nyaya iyi yapera.

Dare repamusoro soro rinoti mangoda ari kucherwa kwaChiadzwa kwaMarange anofanirwa kumiswa kutengeswa kwawo kudzamara matare apedza kunzwa nyaya dziri mumatare dzakaunzwa nekambani ye African Consolidated Resources, kana kuti ACR.

Dare iri rinotiwo mangoda akatorerwa ACR nechisimba nehurumende, anofanirwa kuchengetedzwa nebhanga guru renyika.

Vachipa mutongo wavo neMuvhuro panyaya yakakwidzwa mudare ne ACR, mukuru wevatongi vematare edzimhosva, Chief Justice Godfrey Chidyausiku, vakatiwo mangoda akacherwa nemakambani eMbada ne Reclamation, asatengeswa, uye atorwe ochengetedzwa nebhanga guru kusvika nyaya iyi yapera.

ACR yakapihwa mvumo yekuchera mangoda aya muna 2006, asi hurumende ikazochinja izvi, izvo zvakazopa kuti Mbada Diamonds neReclamation, atange kuchera mangoda aya. Nyaya iyi yakaendeswa kumatare edzimhosva, ACR ikanzi ndiyo yaive nemvumo yekuchera mangoda aya.

Asi hurumende pamwe neMbada Diamonds neReclamation, hadzina kuremekedza mutongo uyu, izvo zvakazopa kuti ACR idzokere kumatare.

Va Jonathan Samkange ndiro gweta reACR. VaSamkange vatiwo mutongo uyu unopa zvizvarwa zveZimbabwe chivimbo chekuti nyaya dzemutemo dzava kugadzirisika zvakare pasina kushandiswa zvematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG