Accessibility links

Breaking News

Dare re Cabinet Rotarisirwa Kuzeya Nyaya Yekupambwa Kwemabhizimisi


Dare remakurukota ririk utarisirwa kuzeya nyaya yekutorwa kuri kuitwa mabhizimisi nechisimba munyika, zvichitevera kuwanda kwenyaya idzi mumatunhu akasiyana enyika.

Izvi zvinotevera mashoko emuzukuru wemutunagmiriri wenyika, Va Patrick Zhuwao, ekuti havasi kuzoteerera mashoko emutevedzeri wemutangamiriri wenyika, Amai Joice Mujuru, vakati vatsigiri ve ZANU-PF vakapamba nzvimbo dzkutandarira ku Lake Chivero, dzibviswe.

Va Zhuwao vakati vachatungamirira vatsigiri vavo kuti vanotora nzvimbo idzi dzinofarirwa nevashanyi vekunze kwenyika.

Ukuwo mapurazi ari kutorwa zvechisimba kuManicaland nekumasvingo. Gurukota rezvevashanyi vekunze, Va Walter Muzembi, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi ichazeyiwa vhiki rinouya mudare remakurukota nekuti yava kukanisa zvakawanda.

Hatina kukwanisa kubata Va Zhuwao kana vatsigiri vavo vari kuda kunotorazve nzvimbo dzakaita se Lakeshore Aviary.

Va Charles Mangongera inyanzvi mune zvematongerwe enyika. Vanoti kusawirirana kwaMai Mujuru naVa Zhuwao panyaya iyi hakurevi kuti ZANU-PF haisi kuwirirana panyaya yekutora mabhizimisi evachena vasara munyika.

XS
SM
MD
LG