Sangano reCentral Statistical Office, CSO rinoti mitengo yezvinhu zvekudya yadzikira zvishoma, kunyange hazvo mimwe mitengo yezvimwe zvinhu iri kukwira.
VaPropser Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.
VaChitambara vanoti mitengo yezvinhu pagore negore, iri kuratidza kuti iri kudzikira. Asi VaChitambara vanoti mitengo yezvinhu pamwe nemwedzi iri kuratidza kuti iri kukwira.