Accessibility links

Breaking News

Crisis In Zimbabwe Coalition Yopemberera Zuva reKuzvitonga


Zimbabwe Independence Celebrations

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti riri kubatana nemhuri yese yeZimbabwe mukupemberera neChitatu zuva rekuwana rusununguko.

Sangano iri rinoti chirongwa chemhemberero chinofanirwa kuitwa pasina rusarura, sezvo zuva rekuwana kuzvitonga riri remunhu wese zvisinei nekuti ndewebato ripi.

Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaThulani mswalento, vanoti vanoda kusimbisa mashoko ekuti mukupembererwa kwezuva rerusungunuko ngakusava nekupesana kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Vati panogoverwa rubatsiro rwezvekudya, kana mbeu dzinopihwa varimi pachena, kana rumwe rubatsiro, ngapasatariswe kuti wabuda mumba maani.

Va Mswalento vatiwo madzishe, mauto nevose vanoshandira hurumende kuti vasapinze zvematongerwo enyika mubasa ravo, vachitora mativi zvichienderana nekuti vanotsigira bato ripi.

Vati izvi zvinotevera kubuda kwemashoko anoratidza kuti pane kunongedzerwa kwevamwe mukushandisa chisimba chebato riri kutonga reZANU PF mukusarura vamwe pane zviitko zvenyika zvakasiyana siyana.

Vatiwo makore apfuura vanhu vaimanikidzwa kuenda kunzvimbo dzakasiyana siyana kunodya mabiko ekupemberera zuva rekuwana kuzvitonga vachida, vasingadi.

Izvi vati zvinobata kunyanya vagari vekumaruwa uye vashandi vanozviitira mabasa emaoko mumaguta.

Vati hurumende yaEmmerson VaMnangagwa inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu zvinozoitawo kuti paonekwe musiyano nezvaiitwa nehurumende yaVaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG