Accessibility links

Breaking News

Copaci Inoti Yagadzirira Zvakakwana Kupinda muHarare.


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac, inoti yakagadzirira zvakakwana kupedzisa chirongwa chayo, icho chiri kutanga neMugovera muHarare neChitungwiza.

Chirongwa ichi chakambomiswa mushure memhirizhonga yakaitika. Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti vachange vachibatsirwa nezvimwe zvikwata zvanga zvichishanda zviri kumamwe matunhu, kuitira kuti basa remuHarare neChitungwiza rifambe zvakanaka.

Komiti iyi inotiwo kuchange kuine mapurisa akawanda achange achichengetedza runyararo nokudaro veruzhinji havafanirwe kutyira mhirizhonga.

Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva pasati paitwa sarudzo sezvakabvumiranwa muchibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa, cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Kana kunyorwa kwebumbiro idzva kwapera, pachaitwa referendamu yekuona kuti vanhu vanotambira here kana kuti kwete bumbiro idzva rinenge ranyorwa.

Kunyange hazvo mapato maviri makuru ari muhurumende asiri kushanda zvakanaka muhurumende iyi, vatungamiri veMDC T neZanu PF vanoti vakagadzirira kupinda musarudzo gore rinouya.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, ndivo vega vanoti nyika haisati yagadzirira zvakakwana kuti munyika muitwe sarudzo.

XS
SM
MD
LG