Accessibility links

COPAC Yotarisa Gakava Riri Munyika Pamusoro Pekodzero Dzengochani

  • Violet Gonda

Mumwe wemasachigaro e COPAC, va Douglas Mwonzora ve MDC-T, vanoti vanhu vazhinji munyika vakataura kuti havadi kuti ngochani dzipihwe kodzero mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, ye COPAC, inoti kodzero dzengochani hadzisi kutsigirwa nevanhu vakawanda.

Mumwe wemasachigaro e COPAC, va Douglas Mwonzora ve MDC-T, vanoti vanhu vazhinji munyika vakataura kuti havadi kuti ngochani dzipihwe kodzero mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Mashoko ava Mwonzora atsigirwa nemumwe wemasachigaro e COPAC, va Edward Mkosi, ve MDC inotungamirwa navaWelshman Ncube, avo vanotiwo ichokwadi kuti vanhu vazhinji munyika havadi kodzero dzengochani kuti dziiswe mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Hatina kukwanisa kubata mumwe wemasachigaro e COPAC, va Paul Munyaradzi mangwana ve Zanu-PF, kuti tinzwe divi ravo sezvo masachigaro e COPAC aya achigara akapesana mune zvakawanda.

Va Mwonzora vanoti nyaya iyi ichiri kuzeyiwa mukomiti inoona nezvekodzero.

Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzengochani, re Gays and Lesbians of Zimbabwe, Chesterfield Samba, vanoti kusavapo kwekodzero dzengochani mubumbiro idzva remitemo yenyika kunoita kuti vazotadza kukurudzira hurumende kuti iise mitemo inobatsirawo vanhu vakaita saivo.

XS
SM
MD
LG