Accessibility links

Breaking News

Copac Yoremerwa neZvikwereti


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac, ine zvikwereti zvinoda kusvika mamiriyoni matanhatu emadhora izvo zviri kutadzisa kufamba zvakanaka basa rekunyorwa kwebumbiro idzva.

Copac inoda kubhadhara vanhu vakashanda munguva yekutorwa kwepfungwa dzevanhu uye mahotera avaigara vanhu ava.

Asi masangano nenyika dzinopa mari dzinonzi dzanga dzichiramba kupa Copac mari iyi vachiti zviri kuda kubhadharwa neCopac zvinhu zvakaitwa vasati vawirirana.

Hurumende inonzi iri kutiwo haina mari.

Copac inoti haifungi kuti nyika inenge yava nebumbiro idzva nenguva inokodzera kuitira kuti sarudzo dziitwe munyika pava nebumbiro idzva.

Mumwe wemasachigaro eCopac, Va Douglas Mwonzora, vanoti hurumende inofanira kupa Copac mari kuitira kuti ikwanise kupedza basa rayo.

XS
SM
MD
LG