Matunhu matanhatu anonzi ari kuramba kuendesa zvakabva muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva kuCopac achiti ari kutyira kuti zvinhu izvi hazvisi kuzochengetedzwa zvakanaka nekomiti yeparamende iri kutungamira chirongwa ichi.
Danho ratorwa nematunhu aya rinotevera mashoko ekuti National Co-ordinator we Copac, Va Peter Kujeku, havasi kuchengetedza zvakanaka zviri kubva muvanhu.Zvinonzi Copac yakatora danho rekumbomisa VaKunjeku basa, apo nyaya yavari kupomerwa inenge ichiferefetwa.
Asi mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, varamba kuti pane zviri kunetsa mukomiti yavo.
Asi mumwe wavo, VaPaul Mangwana veZANU-PF, vanoti ichokwadi kuti pane zviri kunetsa, asi havakwanisi kutaura nezvazvo kudzamara patorwa matanho anokodzera.
VaMangwana vazivisawo kuti komiti yavo yawana mari yayanga ichitsvaga, kuitira kuti ipedzise chirongwa chemuHarare svondo rinouya. Chirongwa chemuHarare chakamiswa zvichitevera mhirizhonga yakaitika. Mhirizhonga iyi inonzi yakaitikawo mumamwe matunhu anosanganisira Manicaland, Bulawayo nemamwe.