Accessibility links

Breaking News

COPAC Yopa Mukana Vari Kunze kweNyika Kupawo Pfungwa Dzavo


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac, yaita chibvumirano nemasangano akazvimirira chekuti vari kunze kwenyika, vapihwewo mukana wekupa pfungwa dzavo mukunyorwa kwbumbiro idzva remitemo yenyika..

Masachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, VaPaul Mangwana veZanu PF, pamwe nemumiriri weMDC-M, ndivo vasangana nemasangano aya mu South Africa.

Masangano aya anosanganisira Zimbabwe Exiles Forum, Crisis in Zimbabwe Coalition, Council for Zimbabwe Christian Leaders in UK, nemamwe.

Vari kuBritain, Botswana, neNew Zealand, vanzi vachapawo pfungwa dzavo, idzo dzinofanirwa kusvika kuCopac nemusi wa 25 Gumiguru.

XS
SM
MD
LG