Accessibility links

Breaking News

Copac Inoudzwa neZanu PF Kuti Vatori veNhau Vanonyora Manyepo Vadimurwe Musoro


Sachigaro veZanu PF kuMashonaland Central, uye vachimirira Mt Darwin North mudare reHouse of Assembly, VaDcikson Mafios, vanoti vese vasina minda, vanofanirwa kubvutira varungu vashoma vasara neminda kana vachidawo zvekurima. VaMafios vataura mashoko aya pavanga vachipa pfungwa dzavo muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Chirongwa ichi changa chichiitwa nenhengo dzeparamende dzisiri makurukota ehurumende chichitungamirwa nekomiti iri kutungamira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro iri yeCopac.

VaMafios vati hapana munhu achaongorora kuti vanhu vakatora ivhu vari kurima here kana kuti kwete kudzamara mabhangi atanga kupa vanhu ava mari yekuti vakwanise kurima sezvaiitwa nevarungu.

Vatiwo bumbiro idzva remitemo rinofanira kubuda pachena kuti hapana munhu mutema achatorerwa munda waakatora kubva kumurungu.

Vanomirira Chiredzi North uye vari nhengo yeZanu PF, VaRonald Ndaba, vaudzawo komiti iyi kuti vese vachaedza kudzorera kumashure nyaya yekutora minda vanofanira kuurayiwa nemauto.

Asi mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vati zvimwe zvange zvichaitaurwa nenhengo dzeparamende zvakaita sezvataurwa naVaNdaba hazvina maturo uye komiti yavo icharasa pfungwa idzodzo.

Vachipawo pfungwa dzavo panyaya yevechidiki, mumiriri weGutu North, VaEdmore Maramwidze , vati bumbiro idzva rinofanira kurambidza kushandiswa kwevechidiki munyaya dzemhirizhonga.

Panyaya dzevakarwa hondo yerusungunuko, mumiriri west Mary’s, VaMarvelous Khumalo, vati vanhu ava vanofanira kuremekedzwa uyewo ivo vanofanirawo kuremekedza veruzhinji kwete kuvashungurudza sezvavari kuita pari zvino.

Nhengo dzeparamende kubva mumapato ese ari muhurumende , dzawirirana kuti bumbiro idzva rinofanira kupa vatori venhau mukana wekuita basa pachena vasingambunyikidzwi uye kuti vanofanira kunyora kana kutepfenyura chokwadi.

Asi nhengo dzeZanu PF dzati avo vanenge vanyora manyepo vaurayiwe, dzeMDC dzichiti panofanira kuve nesangano ravatori venhau rinenge richigadzirisa nyaya dzeavo vanenge vanyora manyepo.

Musangano uye wange uine kupopotedzana mukati uye nhengo mbiri dzinoti VaMoses Mare veMDC vachimirira Chiredzi West, naVaPatrick Zhuwawu vekuManyame uye vari veZanu PF, vadzingwa pamusangano uyu sezvo vanga vokonzeresa bopoto.

Nhengo zhinji dzeparamende hadzina kuuya kumusangano uyu, asi VaMwonzora vaudza Studio7 kuti vafara nenhengo dzauya nekuti ndidzo dzange dziine zvekutaura

XS
SM
MD
LG