Accessibility links

Breaking News

VaMatinenga Vanoti Bumbiro reMitemo Ngariremekedzwe


MATINENGA
MATINENGA
Gurukota rinoona nezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe vaite tsika yekuremekedza bumbiro remitemo, vachiti kunyange nyika ikave nebumbiro rakanaka seyi, hazvina zvazvinobatsira kana risingaremekedzwi.

Mumashoko avo paverengwa bhiri reZimbabwe Constitution Amendment Number 20 kechipiri, VaMatinenga vati vanofara chose kuti vanhu vemuZimbabwe vakakwanisa kunyora bumbiro idzva iro vati rakanaka chose. Vati kupasa kwebhiri iri muparamende kuchaunza Zimbabwe itsva.

Mumashoko avo ekutsigira bhiri iri, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vatiwo bumbiro iri ndiro bumbiro chairo reZimbabwe sezvo rakanyorwa nezvizvarwa zveZimbabwe, uye richidzorera vana veZimbabwe chimiro nehunhu hwavo.

Vatiwo rinopa gwara idzva rekutonga naro nyika pamwe nekusimbaradza zvinagwa zvehondo yerusununguko.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidzawo bumbiro iri vakati kuvepo kwaro kunoratidza kubatana kwemapato ese ari muhurumende.

Bhiri iri rinotarisirwa kupasa muHouse of Assembly neChina risati raendeswa kuseneti.
Zvichakadai, VaMatinenga vazivisa kuti pane zvishoma zvinoda kushandurwa pabumbiro iri uye vachazviunza kudare neChina.

Mune imwewo nyaya, mumiriri weMbizo mudare iri, VaSettlement Chikwinya, vazivisa kuti vachakwidza neChina dare nyaya yavo yekuti kunyoreswa kwevanoda kuvhota kutangiswe patsva.

VaChikwinya vati vanoda kuti nzvimbo dzinonyoreswa vanhu dzishambadzwe kwenguva refu uye gurukota rezvemari rinofanira kupa Zimbabwe Electoral Commission mari yakakwana kuitira kuti ikwanise kuita izvi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG